Sarudzo yenhengo dzeDistric Coordinating Committee dzebato reZanu PF mudunhu reMidlands kwanonoka kutanga nekuda kwezvimhingamupinyi zvinosanganisira kunaya kwemvura yakawanda mune dzimwe nzvimbo.
Mumwe wevatevedzeri vemutungamiriri weMDC Alliance, VaTendai Biti, vabhadhariswa zviuru gumi zvemadhora emuZimbabwe semari yechibatiso kuti vatongwe vachibva kumba panyaya yavari kupomerwa yekurova mumwe mudzimai.
Sarudzo dzemusangano weZanu PF kuno kuManicaland dzekutsvaga vachange vari nhengo dzeDistrict Coordinating Committee, DCC, dziri kunetsa kubatanidza nekuda kwekushomeka kwemapepa ekuvhotesa, ayo anonzi mashoma.
Hurumende dzeZimbabwe, Botswana neSouth Africa dziri kutarisirwa kusainirana chibvumirano chekuchengetedzwa kwemhuka dzesango dzinowanika munzvimbo yeGreater Mapungubwe Transfrontier Conservation Area mukutanga kwegore rinouya.
Vamwe vagari vekuPenhalonga mumusha weTsvingwe, kuOld West muMutasa South mudunhu reManicaland vari kuchema-chema nenyaya yekusvibisirwa mweya wavanofema zvichitevera mabasa ekucherwa kwegoridhe ari kuitwa kunharaunda iyi zviri kunze kwemutemo nemakorokoza.
Mashoko atichangotambira anoti mumwe wevatevedzeri vemutungamiri weMDC Alliance, VaTendai Biti, vasungwa nemapurisa vachipomerwa mhosva yekurova mumwe muzvinabhizimusi wechidzimai, Amai Tatiana Aleshina.
Huwandu hwevanhu vari kufa nechirwere cheCovid 19 munyika huri kuramba huchikwira panguva iyo huwandu hwevari kubatwa nechirwere ichi hwave kuitawo chamurambamhuru kukwira zvichitevera kufa kwevanhu vatatu pamwe nekuwanikwa kwevamwe zana nemakumi masere nemumwe, kana kuti 181 vaine chirwere ichi.
Varwiri vekodzero dzevanhu vanoti Zimbabwe inofanirwa kukoshesa kuremekedza kodzero dzevanhu kuti nyika painobuda mudambudziko reCovid-19 ive yadzidza kusimudzira hupenyu hwevanhu zvinova zvinozosimudzirawo nyika.
Vachitaura nemutori wenhau wenhepfenyuro yeCNN, Jack Tapper, VaBiden vakati vachaisa chikumbiro ichi kuzvizvarwa zveAmerica pavachatoreswa mhiko musi wa 20 Ndira gore rinouya.
Makanzura ese eguta reChitungwiza pamwe nevatori venhau vambosungwa pamahofisi ekazuru iyi apo makanzura ari pakati pekuita musangano.
Munyori mukuru mubazi rezvehutano, Air Commodore Jasper Chimedza, vanoti rubatsiro kubva kunyika nemasangano anopa rubatsiro ruri kudzikira uye hurumende inofanira kukoshesa hutano nekupa bazi ravo mari inokwana kutenga mishonga nemichina muzvipatara.
Bvunzo dzeGrade 7 dzatanga kunyorwa nhasi munyika paine vamwe vana vanyora vari pachavo vega nekuda kwechirwere cheCovid-19. nechirwere cheCovid-19.
Rodhai zvimwe