Accessibility links

Breaking News

Vana Votanga Kunyora Bvunzo dzeGrade 7 Kunyangwe Vamwe Vari Kubatwa neCovid-19


Bvunzo dzeGrade 7 dzatanga kunyorwa nhasi munyika paine vamwe vana vanyora vari pachavo vega nekuda kwechirwere cheCovid-19.

Mukuru anoona nezvekufambiswa kwemashoko mubazi rezvedzidzo VaTaungana Ndoro vaudza Studio 7 parunhare kuti bvunzo dzeGrade 7 dzatanga zvakanaka munyika mose vachiti vadzidzisi vanosvika zvikamu makumi mapfumbamwe kubva muzana vange vari pabasa izvo vati zvabatsira kuti
zvinhu zvifambe zvakanaka. VaNdoro vati vange vasingakwanise kupa huwandu hwakakwana hwevana ava asi vabvuma kuti kune vamwe vana vanyora vari muzvipatara uye vamwe vari kumba sezvo vakabatwa nechirwere cheCovid-19 vachiti muBulawayo mune vana vanosvika vashanu vari kunyora saizvozvo.

Asi mukuru wesangano reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe VaObert Masaraure vati ongororo yaitwa nesangano ravo inoratidza kuti kutanga kwebvunzo dzeGrade 7 nhasi kwasangana nezvimhingamupinyi zvakawanda.

Mune imwewo nyaya mukuru wezvehutano mudunhu reMatabeleland North Dr Munekayi Padingani vanoti kusvika pari zvino pave nevana nevadzidzisi vanosvika zana nemakumi masere nevashanu -185- vabatwa nechirwere cheCovid-19 pachikoro cheJohn Tallach kusvika pari zvino.

Dr Padingani vati vana vepachikoro ichi vasina kubatwa nechirwere ichi uye vasiri kunyora bvunzo vakatanga kudzorerwa kumba kutanga nemusi weChipiri. Mumwe mubereki ane mwana pachikoro ichi ataura neStudio 7 uyo watisingakwanisi kudoma nezita senzira yekuchengetedza mwana wake, abvuma kuti vana vakatanga kudzokera kumba.

Mubereki uyu ati kunyange hazvo vakuru vechikoro vachitaurira vabereki mamimiriro akaita zvinhu pachikoro apa hana yake haina kugadzikana. Chikoro cheJohn Tallach ndicho chakatanga kuve nevana vakabatwa nechirwere ichi munyika mose.

Chikoro cheSanyati Baptist High School chakavharwa kuvashanyi vose nemusi weChina mushure mekunge vana vapfumbamwe vabatwa nechirwere cheCovid-19.

Bazi rezvehutano ratumira nyanzvi kuchikoro ichi kunobatsira kuti chirwere chisarambe chichipararira.

Izvi zvinotevera kubatwawo kwevamwe vana vanodarika makumi mashanu nevaviri nechirwere ichi paGoromonzi High School neWaddilove kuMashonaland east nezuro.

Kunyangwe hazvo hurumende iri kuti haisi kuzovhara zvikoro, vana vazhinji vasiri kunyora mazamanishoni gore rino vave kudzorerwa kudzimba.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG