Gurukota ranga richiona nezvekudyidzana pamwe nekutengeserana nedzimwe nyika, VaSibusiso Moyo, vashaya nechirwere cheCovid-19.
Gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaSibusiso Moyo, vashaya nhasi mangwanani nechirwere cheCovid-19.
Bazi rinoona nezvemvura munyika reZimbabwe National Water Authority, Zinwa, razivisa kuti dhamu reTokwe Mukosi rave nemvura inosvika zvikamu makumi masere namatanhatu kubva muzana, kana kuti 86%.
Mumwe mudzimai akaratidza hushing muHarare apo akasiya vana nemurume achienda kunochengeta vabereki vake vainge vabatwa nechirwere cheCovid-19.
Nyanzvi munyaya dzezvehutano dziri kuyambira vanhu kuti vasangonwe, kuputa kana kunatira mimwe mishonga pasina ongororo yakadzama kuti zvinobatsira kana vachinge vabatwa nechirwere cheCovid-19.
Hurumende iri kukurudzirwa kuti ikoshese hurongwa hwekutevera vanhu vangadai vakasanagana nevanhu vane chirwere cheCovid-19, senzira yekudzivirira kupararira kwehutachiwana hunokonzera chirwere ichi.
Kushaya kwenhengo idzi kunoitika panguva iyo misodzi ichiri pamatama zvichitevera kushaya neChishanu kwegurukota reManicaland, Doctor Ellen Gwaradzimba, uye nhengo yeZanu PF Central Committee, VaMorton Malianga, avo vakashaya zvakare nechirwere cheCovid-19.
Meya veHarare vakamiswa basa, VaJacob Mafume, vabhadhara zviuru makumi mana zvemadhora emuno semari yechibatiso kuti vatongwe vachibva kubva kumba panyaya dzehuwori dzavari kupomerwa.
Zimbabwe iri kuchema magamba maviri ehondo yerusununguko, anoti gurukota reManicaland, Amai Ellen Gwaradzimba, nenhengo yeZanu PF Central Committee, VaMorton Malianga, avo vashaya muHarare mushure mekubatwa nechirwere cheCovid-19.
Vakafanobata chigaro chemunyori wekanzuru yeChitungwiza, Doctor Tonderai Kasu, vanoti izvi zvawedzera kuderera kwehuwandu hwevashandi veboka ravo rezvehutano zvekuti kanzuru yavo yamanikidzwa kuvhara kiriniki yayo yeSaint Mary’s.
Shamwari yepedyo yakashanda naVa Furusa kwemakore akawanda paUniversity of Zimbabwe pamwe nekuAmerica, Professor Praise Zenenga, vanoti Africa, kwete Zimbabwe chete, yarasikirwa nemunhu aive nechido chekusimudzira vanhu vemuAfrica munyaya dzedzidzo pamwe nemagariro avo.
Vanhu zana nemakumi mashanu nevasere kana kuti 158 vafa nechirwere cheCovid-19 mukati memazuva manomwe adarika zvichitevera kufa kwevamwe vanhu makumi matatu nevasere kana kuti 38 nemusi weChitatu chete
Rodhai zvimwe