Sangano reConfederation of African Football, Caf, rabatanidza zvikwata zvichatamba zvese muCaf Confederation Cup umo Zimbabwe iri kumirirwa neFC Platinum.
Mutongi wedare, Amai Vongai Muchuchuti Guwuriro, vati vatatu ava vagare mujeri kwemwedzi mitanhatu mushure mekusendeka parutivi mimwe mwedzi mitanhatu.
Vanotungamira mutambo uyu veZimbabwe Cricket vamisa mitambo yese kusanganisira makundano ezvikwata zvemuno eT20 Logan Cup ayo anga achifanira kutanga neMuvhuro mangwanani.
Zimbabwe Football Association, Zifa, yazivisa kuti vatambi vapfumbamwe vari mukamba yemaWarriors vawanikwa vaine chirwere cheCovid-19.
Ndemera, uyo ange ave nemakore makumi matanhatu nemaviri ekuberekwa, aradzikwa pamberi pechaunga chakanyanya chacho chiri chevanhu vabva kuMbare.
Munyori mukuru wenhau dzemitambo, Tendai Ndemera, uyo akashaya nemusi weChipiri mangwanani, acharadzikwa muHarare neChishanu masikati.
Ndemera, uyo anozivikanwa nezita remudunhurirwa rekuti Ndem Ndem, ashaya mangwanani emusi Chipiri mumusha weSunningdale muHarare mushure mekurwara kwenguva refu.
Vatambi vemuZimbabwe vari kunyemwerera vakananga kuhorodhi yeKisimisi yemitambo yenhabvu, panguva iyo FC Platinum irikugadzirirawo kupunzira pasi Simba Stars yekuTanzania zuva reKisimisi risati rasvika mumutambo weCaf Champions League.
Mutambi wemuZimbabwe Tino Kadewere akwidza chikwata chake cheLyon pamusoro petafura yeFrench Lique 1.
Mutambi wenhabvu wemuZimbabwe Tino Kadewere atambidzwa mukana wekuratidza zvaakapakata chaizvo apo ari kusangana nevamwe vevakomana vakuru munhabvu pasi rese Neymar, na Killian Mbape.
Chikwata cheFC Platinum chatambidzwa mukana wekutanga chiri pamusha neSimba Stars yekuTanzania mumitambo miviri yekuumisira munzira yekupinda mumagungano eCaf Champions League kana kuti mini league.
Vateveri venhabvu muZimbabwe havasi kusarira mukuchema mutambi wenhabvu wekuArgentina akaita mukurumbira unotyisa pasi rese, Diego Armando Maradona, uyo akaradzikwa nezuro kuBuenos Aires kuArgentina.
Rodhai zvimwe