Mapurisa aridza pfuti akakuvadza pamwe nekasunga vanhu vane chitsama mushure mekunge nhengo dzeMthwakazi Republic Party dzaratidzira panze peBukawayo Police Central nhasi mangwanani.
Hurumende yakazivisa nezuro kuti yainge yabaya vanhu zviuru makumi maviri nechimwe nemazana mana nemakumi mashanu nevatanhatu, 21456, vakanga vabayiwa nhomba iyi kusvika mukupera kwezuva nezuro
Hurumende iri kukurudzirwa kuti igadzirise dambudziko riri kuenderera mberi paBeitbridge sezvo kuwanda kwevanhu panzvimbo iyi kuchigona kuwedzera kupararira kweCovid-19.
Vanhu vakawanda vari kuda kudzokera kuSouth Africa vataura neStudio 7 paBeitbridge Border Post vati vave nemazuva matatu kana kupfuura vakamiswa pabhodha reBeitbridge nekuda kwedambudziko rekunonoka kudhindirwa magwaro ekufambisa izvo vati zvave kukonzera matambudziko akasiyana siyana.
Mutevedzeri wemutauriri webato reMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo, vashora hurumende vachiti maitiro ayakaita lockdown anoomesera veruzhinji.
Munyori mukuru wesangano Zimbabwe Association of Doctors for Human Rights, Dr Norman Matara, vanoti zvimwe zvezvakabuda pamusangano uyu zvakakosha zvikuru sezvo zvichibudisa pachena mamwe matambudziko ari kusangana nevakaremara panguva ino yedambudziko reCovid-19 asiri kutaurwa nezvawo.
Kanzuru yeguta reBulawayo ichakwidza mitero nezvikamu zvinodarika mazana matatu nemakumi manomwe kubva muzana izvo zvisiri kutambirwa nemufaro nevagari vakawanda.
Mutongi wedare reHigh Court muBulawayo, Justice Christopher Dube-Banda, vati chikumbiro chevaive murongi wemabasa muMDC T, VaAbednico Bhebhe, chichazonzwikwa pazuva ravasina kutara,
Vana vanosvika zana vanonzi vabatwa nechirwere cheCovid-19 paJohn Tallach High School iyo iri kuNtabazinduna pedyo neguta reBulawayo mudunhu reMatabeleland North.
Mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, vanoti veruzhinji vanofanirwa kuramba vakangwarira kurwisana nechirwere cheCovid-19 sezvo chiri kuramba chichitekeshera pasi rose.
Vari kutevera zviri kuitika muAmerica vanoti Zimbabwe ine zvekudzidza zvakawanda kubva mumafambisirwo enyaya dzesarudzo dzemuAmerica.
Rodhai zvimwe