Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yotarisira Kuzadzisa Tarisiro Yayo Kubva kuBandiko reZvemigodhi paGore


Mine Entra 2023
Mine Entra 2023

Gurukota rezvezvicherwa, VaSoda Zhemu, vanoti nyika yaswedera pakuzadzisa chinangwa chayo chekuti mabasa ekutengesa zvicherwa ange achiunza mari inosvika mabhiriyoni gumi nemaviri emadhora ekuAmerica pagaore.

Izvi zvabuda pamusangano wekuzeya mamiriro ezvinhu mune zvezvicherwa muBulawayo nhasi.

Vachitaura nevatori venhau kumahombekombe kwemusangano wekuzeya mamiriro ezvemigodhi nezvicherwa munyika, VaZhemu vatsinhira kuti zvicherwa zvakakoshera nyika zvikuru nekuti zvinowanisa nyika mari yekunze.

Asi vabvumawo kuti pane zvimhingamupinyi zvakasiyana-siyana zvinosanganisira kushomeka kwemagetsi, vakakurudzira vemakambani ezvicherwa kuti vashande pamwe nehurumende mukuzvigadzirisa.

“Ndinofunga kuti ndiro basa rinoitwa nevanhu vanonzi maexecutive vari muindustry kufunga kuti matambudziko atiri kusangana nawo tingaita sei kuti tiakurire.

"Ikozvino tichitaura tiri kuona kuti vari kuzama nepabvanogona napo sezvataona kuti machallenges ekushomeka kwemagetsi aripo nezvimwe zvakangodaro-daro asi mining industry yaramba ichingobudirira kusvika pakubata chinangwa chehurumende che12 billion mining industry changa chakatarisirwa.”

VaZhemu vatiwo kuvandudzwa kuri kuitwa mutemo une chekuita nezvezvicherwa kuchabatsirawo kugadzirisa matambudziko anosangana neveruzhinji vanorarama nezvicherwa, kana kuti artisanal miners.

Makambani ekuChina ari mune zvezvicherwa.
Makambani ekuChina ari mune zvezvicherwa.

Pave nenguva vakuru vakuru muhurumende kusanganisira mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vachitaura nezvekukura kwemabasa ezvezvicherwa asi hapana humbowo hwakamira hwega hunoratidza kuti inasitiri yezvicherwa yasvika pamabhiriyoni gumi nemaviri emadhora ekuAmerica.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi paUniversity of Zimbabwe, Muzvinafundo Albert Makochekanwa, vakaita nevamwe vavo ongororo iinoratidza kuti kushomeka kwemagetsi, kushaikwa kwemari yekunze yakakwana uye kuve nemitero yakasiyana-siyana kunokanganisawo mabasa ezvezvicherwa munyika.

Asi vatsinhira kuti maonero avo ndeekuti ichokwadi kuti zvicherwa zvasvika pachinanho chakakura munyaya dzehupfumi hwenyika.

“Kana tichitaura 12 billion kuri kunzi zvavakaproducer mamineral ose ari mumaUS dollar anosvika 12 billion. Hongu tikatarisa tinoona kuti vafamba chaizvo. Handina hangu mafigure chaiwo chaiwo asi zvinoratidza kuti ichokwadi vakasvika 12 billion.”

Mine Entra
Mine Entra

VaMakochekanwa vatiwo zvisineyi nekukura kwechikamu chezvezvicherwa uku hapafanirwe kubva pave netarisiro yekuti izvi zvipedze matambudziko ose akatarisana nenyika munyaya dzezvehupfumi.

Mukuru weCenter for Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu, vanoti mafigiri ari kutaurwa nehurumende ndeefembera-fembera vachitiwo hapana chakati tsvikiti chiri kuwanikwa neveruzhinji kana nenyika kubva muzvicherwa.

“Hurumende inozviziva, mamining companies anozviziva kuti Zimbabwe yese zvayo hapana nzvimbo yatiri kusvika isu tichinzwa macommunity achiti tiri kufara nemining iri kuitika kuno uku.

"Ukaenda kuManhize iri kunzi the biggest steel plant muAfrica mose, vakavakira vanhu dzimba dzisina mafoundation, dzakatanga kutsemuka dzisati dzatanga kugarwa.

"Mukaenda kuSabi Star kuBhuhera, vanhu vanochema vachiti kwavakabviswa vairarama hupenyu huri nani pane kwavakaendeswa. Saka inyaya hombe inofanirwa kugadziriswa.”

Gurukota rezvezvicherwa, VaSoda Zhemu.
Gurukota rezvezvicherwa, VaSoda Zhemu.

Asi mukuru mukuru weChamber of Mines of Zimbabwe, VaIsaac Kwesu, vanoti makambani akawanda ari kuita zvakasiyana-siyana kubatsira vanhu vemunharaunda maanoita zvezvicherwa.

“Kune makambani akawanda akaita saana Zimplats naana Mimosa ari kuita zvirongwa zvakasiyana siyana kubastira vanhu vemunharaunda dzaanoshandira nenzira dzakasiyana-siyana kusanganisira kuita mabhizimisi.

Vamwe vanovakawo zvikoro nekubatsira vana nedzidzo, kuvaka zvipatara nezvimwe zvakadaro. Hongu makambani aya ari pazvinhanho zvakasiyana asi sangano redu rinokurudzira kuti vose vari kuita zvicherwa vaone kuti vashanda nevanhu vemunharaunda.”

Makambani akawanda ekuChina ndiwo ari kunyanya kusima mari mune zvezvicherwa zvakadai seLithium neFerro-chrome. Asi pane maonero ekuti zvicherwa izvi zviri kungocherwa zvichibuda munyika pasina zvakawanda zvinowanikwa neveruzhinji.

Zimbabwe yakapa makambani ekuChina anodaarika zana nemakumi maviri marezinesi ekushanda mune zvemigodhi muchikamu chetatu cha 2023 paine tarisiro yekuwana mari inoita $2.79 billion, kunyanya kubva muzvicherwa nemhando dzemoto.

Mumwedzi mipfumbamwe yekutanga muna 2023, chicherwa cheLithium chakaunzwa mari inoita mamiriyoni mazana maviri nemapfumbamwe emadhora ekuAmerica. Makambani ari Kuchera Lithium munyika ndeekuChina.

Gungano reMining Engineering and Transport, kana kuti Mine Entra, rapera nhasi pachiitwa musangano wevanoita zvezvicherwa vachiri kusimukira.

Vamwe vemakambani ekuChina.
Vamwe vemakambani ekuChina.

Zvichakadaro, vanhu vanosvika chiuru chimwe chete kunyanya vechidiki vari kutsvaga mabasa vapinda mu gungano reChina Careers Expo raitwa nesangano reChamber of Chinese Enterprises muHarare nhasi.

Mumwe wevapinda mugungano iri uyo angozvidoma nezita rekuti Grace ati anga achitsvaga basa reICT.

“Ndanga ndichitsvaga basa reICT asi mabasa akwanda aripo ndeeEngineering. Saka handina kuwana basa rangu chairo randinoda.”

Chirongwa cheChina Careers Expo charatidza kufarirwa nevanhu vakawanda zvisineyi kuti makambani ekuChina anonzi anotyora kodzero dzevashandi pamwe nekusabhadhara vashandi zvinotarisirwa nemitemo.

Chirongwa ichi chiri kupera neSvondo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG