Accessibility links

Breaking News

Zvimhingamipinyi Mune zveHunyanzvi hweChizvinozvino Zvotadzisa Kusimukira kweChikamu cheHupfumi Ichi


Rumwe rudzi rwe E-commerce .
Rumwe rudzi rwe E-commerce .

Zvisineyi nekuti vazhinji munyika havana mabasa, uye vakawanda vavo vachizvishandira, Zimbabwe ine mabhizimisi ane chitsama anoshandisa hunyanzvi hwechizvinozvino, kana kuti ICT, asi pachine zvimhingamupinyi zvakawanda zvinoita kuti chikamu chehupfumi ichi chisakura.

Izvi zvabuda pamusangano wekuzeya zvekutengeserana pachishandiswa madandemutande, kana kuti internet, zvinozivikanwa sekuti e-commerce muChirungu, waitwa muBulawayo nebazi remaindastiri richishanda pamwe neUnited Nations Conference on Trade and Development, kana UNCTAD, pamwe nevemuzvikamu zvakasiyanasiyana zvehupfumi.

Kusagadzikana kwehupfumi, uko kunonzi kunopa kuti hurumende ichinje chinje mitemo ine chekuita nemari, kwadomwa nevakawanda sedambudziko guru rinoita kuti zvebhizimisi rinoitwa kuchishandiswa internet zvisabudirira.

VaJeffry Miros, avo vane bhizimisi rekutengesa zvakasiyana-siyana zvinoshanda nemagetsi ezuva, vanoti nyaya yekubirwa kana hutsotsi uye kuti zvinenge zvaresveka pakutenga kana kubhadharira zvinhu munhu uchishandisa internet zvinononoka kugadziriswa inoita kuti vakawanda vasave nechivimbo mukushandisa nzira iyi.

Kunetsa kwemasaisai kunonzi kuri kutadzisa zvakawanda mu e-commerce munyika.
Kunetsa kwemasaisai kunonzi kuri kutadzisa zvakawanda mu e-commerce munyika.

“Pane mamwe issues ema taxes nemamwe ma charges ekuti mari inoshandiswa online haizosviki yakakwana saka vanhu vakawanda havana trust nekuita ma online transaction. Vanoti zviri nane kushandisa cash chaiyo chaiyo.”

Muzvinafundo Vusumuzi Maphosa, vanove mukuru mukuru wezvidzidzo zve ICT paNational University of Science and Technology, NUST, vati rimwe dambudziko guru rinoita kuti zve e-commerce zvisasimukira munyika inyaya yekuti hurumende inoisa mitero yakakura pamabhizimisi ezvenharembozha ne internet uye michina inodiwa kuti pave nemasaisai mishoma, izvo zvinoita kuti mitengo iwe yakakwira zvichipawo kuti nzvimbo dzakawanda, kunyanya kumaruwa, dzisarire shure.

“Dai government nemamwe maplayers vaisa mari kusimudzira infrastructure yedu kuti ikwanise kutsigira zve e-commerce. Chechipri mitemo yedu mitemo isngasimudziri ecommerce. Kana mukatarisa tine mitero yakakura iyo inozoita kuti ma services einternet adhure. Ndine chokwadi chekuti Zimbabwe ndiyo ine mutengo we data wakakwiririsa pasi rose.”

Vati hurumende inofanirwa kuve nemitemo inokwezva vemabhzimisi kuti vasime mari mune zvemichina yemasaisai enharembozha ne internet, vakati vanofara kuti hurumende yakabuda pachena ichiti haizi kurambidza kambani ye Starlink kuti ipinde munyika, izvo vati zvinogona kubatsira kusimudzira mabasa ekutengeserana macishandiswa madandemutande.

Postal and Telecommunications Regulatory Authority of Zimbabwe, POTRAZ, inoti nharembozha dzinoshandiswa nezvikamu makumi mapfumbamwe nezvinomwe kubva muzana zvevanhu munyika uye kune vanhu mamiriyoni gumi nemana nezviuru mazana masere, 14. 8 million, vanoshandisa nharembozha.

Amai Lorraine Mpala, mumwe wevapinda musangano wemabhizimusi kuBulawayo.
Amai Lorraine Mpala, mumwe wevapinda musangano wemabhizimusi kuBulawayo.

POTRAZ inotiwo nharembozha dzinokwanisa kuenda pa internet dzinoshandiswa nezvikamu makumi matanhatu nezvishanhu kubva muzana zvevanhu munyika.

VaAlessandro Vitale, avo vanoona nezvezvirongwa zveICT kuhofisi yeUnited Nations Conference on Trade and Development iri munyika, vati zvimhingamupinyi zvakatarisana neZimbabwe munyaya dze e-commerce zvinowanikwawo munyika dzichiri kubudirira dzakawanda kusanganisira mitemo isina kunyatsojeka.

“Kazhinji mitemo iyi hainyatsoziikanwa nezveruzhinji saka zvakakosha kuti pave nedzidziso kune veruzhinji kuti vazive kuti mitemo yakadaro inobatsira sei kuti zve e-comerce zviitwe nenzira inoita kuti vasarasikirwe nemari yavo uye kuti vave nechivimbo mumhando yebhizimisi iri.”

Zimbabwe inyika yechimakumi maviri nembiri muAfrica kushanda neUNCTAD mukuedza kuvandudza zve e-commerce, uye sangano iri riri kushanda nenyika yeSouth Korea mukubatsira Zimbabwe kuita izvi.

Doctor Douglas Runyowa, mukuru mukuru wezvebhizimisi nevatengi mubazi rezvemaindasitiri, vati nyika inotarisirwa kubudisa hwaro hwe e-commerce mushure mekunzwa kubva kune veruzhinji.

Asi dzimwe nyanzvi mune zvehupfumi dzinoti chimwe chimhingamipinyi chiripo ndechekuti mabhanga emunyika haasi kukurudzira zvakanyanya kushandiswa kwemakadhi ekumabhanga pakutenga.

Muzvinafundo Tsega Tadasse vekuAmerica.
Muzvinafundo Tsega Tadasse vekuAmerica.

Mune imwewo nyaya, Muzvinafundo Tsega Tadesse, vanove nyanzvi mune zvekusimudzirwa kwemabhizimisi vekuAmerica, vari kushanya munyika vachisangana nevakasiyanasiyana, kusanganisira vanhukadzi nevechidiki pasi pechirongwa chiri kutsigirwa nemuzinda weAmerica muZimbabwe.

Muzvinafundo Tadesse, avo vange vari muBulawayo kubva musi weChitatu svondo rino, vanoti kunyange hazvo muZimbabwe mune vanhu vakawanda vasiri mumabasa, nyika ine mukana wakanaka wekukudza chikamu chezvemabhizimisi anoitwa pachishandiswa internet kana kuchitariswa kusimukira kuri kuita mabhizimisi ane chekuita nezvekutumira kana kutumirwa mari kuchishandiswa nharembozha.

“Hakuna zvemari inotumiranwa kuchishandiswa nharembozha kuAmerica. Asi ndinoziva hangu kuti izvi zvinoitwa mune dzimwe nyika muAfrica. Kunyika dzekumadokero zvemari zvichiri kuitwa nemabhanga kana nemamwe makambani makauru ari mubhizimisi rezvemari. Saka zvinhu zvinofadza kuona nekuedza kunzwisisa kuti makambani enharembozha muno muZimbabwe anozviita sei, uye kuti izvi zvinobatsira hupfumi hwenyika sei?”

Muzinda weAmerica muZimbabwe une zvirongwa zvakasiyanasiyana zvinotsigira vemabhizimisi kusanganisira che Acedemy of Women Entrepreneurs, icho chinowanisa vamwe vanenge vapinda machiri mari yekuti vasimudzire mabhizimisi avo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG