Accessibility links

Breaking News

Dambudziko reKutorwa kweZvinodhaka Rodzorera Shure Hondo yeKurwisana neHIV/Aids


Vechidiki vakawanda vanonzi vave kutora zvinodhaka.
Vechidiki vakawanda vanonzi vave kutora zvinodhaka.

Dambudziko rekunwiwa nekusvutwa kwezvinodhaka rinonzi rave kuvhiringidza basa rakanaka riri kuitwa pakurwisa hutachiwana hweHIV.

Izvi ndezvimwe zvezviri kubuda pamisangano iri kuitwa nekomiti yeparamende yezvehutano yekunzwa kubva kune veruzhinji pamusuro pemamiriro akaita zvinhu munyika panyaya yeHIV neAIDS.

Vachipa pfungwa dzavo kukomiti yeparamende inoona nezveHIV and AIDS pane mumwe wemisangano iyi wakaitwa muBulawayo, vamwe vanhu kusanganisira nyanzvi munyaya dzezvehutano, vakati dambudziko rekunwiwa nekuputwa kwezvinodhaka riri kutekeshera zvakanyanya munyika zvekuti rave kuvhiringidza chirongwa chekurwisana nehutachiwana hweHIV.

Vanoshanda nesangano reNational AIDS Council mumusha weGwabalanda, Amai Abigail Chakavanga, vanoti vechidiki kunyanya ndivo vari kuita dambudziko iri.

“Nyaya ye drug abuse yakanganisa vana. Ngatiti mwana ari pachirongwa chekunwa maARV, akadhakwa anosvika pakukanganwa kunwa maARV aya kwemazuva maviri kana matatu asingachatevedzeri kunwiwa kwemaARV aya. Saka hutachiwana mumuviri hunokura.”

Mapurisa achiratidza vechidiki zvinodhaka zvavasingafanirwe kutora.
Mapurisa achiratidza vechidiki zvinodhaka zvavasingafanirwe kutora.

Vanoshanda nesangano reZimbabwe Network Of People Living with HIV, kana kuti ZNPP+ mudunhu reBulawayo, Amai Addis Hlomani, vanoti pane zvakanaka zvakawanda zviri kuitwa nehurumende pakurwisa hutachiwana hweHIV, asi izvi zvinogona kudzoserwa kumashure nekuda kwedambudziko iri.

“Vanonwa zvavo doro ravo vachiita zvema drugs vobva vakoshiwa kunwa maARV avo vobva vakoshiwa zvekare kushandisa zvekudzivirira pabonde. Aiwa, izvi hazvina kunaka…ngatitauriranei chokwadi tirambe tichiita basa rakanaka kurwisa HIV and AIDS, kwete kudzokera kumashure.”

Amai Hlomani vakaudzawo musangano uyu kuti sangano ravo rinoshushikana nenyaya yekuti kune vamwe vemachechi pamwe nevanoita zvehun’anga vanomisa vanhu vari kurarama nehutachiwana hweHIV kunwa mishonga yavo vachiti vanenge varapwa nemweya mutsvene kana nenzira dzechivanhu idzi.

Mutungamiri werimwe remasangano anomirira vanorapa nemishonga yechivanhu, reZimbabwe National Practitioners Association, VaCuthbert Nyaruvenda, vakabvuma kuti kune maporofita nevarapi vari kuita izvi asi vakati sangano ravo rinorambidza nhengo dzaro kuita izvi kunyangwe vasingatenderane nazvo.

“Vamwe vemachechi emazuvano vanonyepera vanhu vachivaudza kuti ‘you have been healed in the name of Jesus,’ vobva vasiya kunwa mishonga yavo, vamwe vosvika kana pakufa chaiko.

"Isu n’anga nemaporofita vesangano randinotungamira ini tinogona kurapa zvimwe zvirwere zvakasiyana-siyana asi takabvumirana kuti hakusati kwawanikwa mushonga unorapa HIV and AIDS. Saka tinokurudzira vanhu kuti vaende kuchipatara vachinwa mishonga yavanenge vapiwa naanamukoti naanachiremba.”

Chipatara chinorapwa varwere vepfungwa cheIngutsheni kuBulawayo.
Chipatara chinorapwa varwere vepfungwa cheIngutsheni kuBulawayo.

Dr. Nkazimulo Tshuma ndivo mukuru weAntiretroviral Clinic, kana kuti Centre Of Excellence, pachpatara che Mpilo muBulawayo.

Vakatsinhirawo kukura kuri kuita dambudziko rekunwa nekuputa zvinodhaka vakati kunyange hazvo vachishanda nenyanzvi dzepfungwa pakubatsira vanenge vasangana nedambudziko iri, vamwe vavo vanotadza kubatsirika.

“Tagara tinoshanda nema counsellors asi pakatanga dambudziko redrug and substance abuse tavewo nema psycholigists, avo vanaoshanda nevanhu vanenge vaonekwa kuti vane dambudziko iri vachivaonesa kuti zvinovakanganisa sei kana vari pachirongwa chemaARV.

"Vamwe vevanhu ava vanogona kubatsirika asi vamwewo vanopedzisira vanzi vaendeswe kuIngutsheni kwevanorwara nepfungwa nekuti hatina ma rehabilitation centres evanhu vanenge vaita dambudziko redrug and substance abuse. Izvozvi zvinoitawo kuti vamwe vavo varambe vaine dambudziko iri nekuti vanenge vasingade kuendeswa kuIngutsheni kunonzi kune vanhu vanorwara nepfungwa.”

Mukuru weNAC mudunhu reBulawayo, Amai Sinatra Nyathi, vanoti hapasati pave kuzivikanwa kuti dambudziko rekunwa nekuputa zvinodhaka rakakura sei munyika.

Asi vanobvuma kuti dambudziko iri riri kukura vachitiwo pane rimwezve dambudziko rekuti vechidiki, kusanganisira vana vari pasi pemakore gumi nemashanu vari kurarama nehutachiwana hweHIV, vari kusangana nedambudziko rekutadza kunwa mishonga yavo zvakafanira nekuda kwezvimwe zvikonzero.

“Dzimwe nguva vabereki vakashaika, dzimwe nguva vabereki vakaenda kunze kwenyika kunotsvaga mari, vachengeti vevana zvikuru vanotadza kuve consistent kuti vana vatore mapiritsi avo zvakanaka.

"Dzimwe nguva vana vanogona kungodheererawo kuti ‘iwe hauzi mubereki wangu uri musikana webasa haungandiudzi zvekuita.’ Chimwewo chatinoona inyaya yestigma yekuti vana vanoona vamwe vavo vanenge vasinganwi maARV vobva vaora moyo nekuti vanenge vasingadi kuzivikanwa kuti ivo vanonwa.”

Zimbabwe National Aids Council
Zimbabwe National Aids Council

Sangano reNAC richishanda pamwe nerevechidiki reSAYWHAT richangobva mukuparura ongororo yekuda kuziva kuti dambudziko rekunwa nekuputa zvinodhaka kusanganisira kuita izvi kuchishandiswa majekiseni, rakakura sei munyika uye ongororo iyi ichangoparurwa mumaguta eHarare neBulawayo.

Bazi rezvehutano rinoti vanhu vanodarika miriyoni imwe chete nezviuru mazana mana, kana kuti 1,4 million, vari kurarama nehutachiwana hweHIV munyika.

Pavanhu ava, miriyoni imwe chete nezviuru mazana maviri kana kuti 1,2 million vari kunwa mushonga wekuderedza hukasha.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vagara vachiti hurumende yavo yakazvipira kurwisa dambudziko rekushandiswa kwezvinodhaka.

Mapurisa asungawo zviuru nezviuru zvevanhu vari kunzi vari kutengesa nekushandisa zvinodhaka.

Komiti yeparamende iri kunzwa mamiriro ezvinhu munyaya dzeHIV/ Aids munyika, zvikuru kuchitariswa dambudziko rekunwiwa nekuputwa kwezvinodhaka iro riri kukura munyika, senzira yekuona kuti ndezvipi zvingaitwa kurwisa dambudziko iri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG