Accessibility links

Breaking News

VeCCC neZanu-PF Vobatana Kuonekana neGamba VaMalinga


VaJoshua Malinga
VaJoshua Malinga

Vanhu vakawanda vaungana muBulawayo vachionekana nemutumbi wegamba renyika VaJoshua Malinga avo vakashaya nemusi weChishanu manheru.

VaMalinga vakashaya nechirwere chegomarara vange vari chipangamazano chemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa panyaya dzekodzero dzevakaremara. Vakamboitawo meya weguta reBulawayo.

Vanhu vakawanda kubva kumativi mana enyika vaungana nhasi muBulawayo pahurongwa hwekuonekana nemutumbi waVaMalinga. Vanhu ava vanosanganisira nhengo dzemapato maviri makuru munyika, Zanu PF neCitizens Coalition for Change.

Vanhu vapinda muhurongwa uhu vanosanganisira meya mutsva weBulawayo VaDavid Coltart vebato reTripple C uye imwe nhengo yebato iri VaDaniel Molokela vanova mumiri wedare reparamende kuHwange vange varipowo. Vakambova gurukota rezvevakarwa hondo Retired Colonel Tshinga Dube vabatananwo nevamwe kuchema VaMalingae.

Vachitaura parufu apa, gurukota rinoona nezvedunhu reBulawayo, Amai Judith Ncube, vati nyika yarasikirwa negamba.

VaMolokele avo vanoshandawo munyaya dzekukurudzira kodzero dzevakaremara varumbidza VaMalinga segamba mukurwira kodzero dzevakaremara.

Vanoongorora nyaya dzehupfumi uye vakaremarawo, uye vari vesangano reDisability Reform Coalition, VaMasimba Kuchera, vati mufi asiya vende rakakura.

Vatiwo VaMalinga vainge vasiri munhu aingoita zvekutaura chete asi aiva munhu aidzadzikisa zvaanotaura.

VaMalinga vakaitwa chipangamazano chemutungamiri wenyika munyaya dzekodzero dzevanhu vakaremara, uye kubva muna 2018 kusvika munaNyamavhuvhu 2023, vanga vari Seneta.

Vakamboshanda sameya weBulawayo, uye vakambosarudzwa kutungamirira sangano re Disabled People’s International.

Vakashaya vave nemakore makumi manomwe nemapfumbamwe, uye vasiya mudzimai nevana gumi nevazukuru vakati wandeyi..

Papera hurongwa hwanhasi, mutumbi waVaMalinga wabva watakurwa kuenda kuHarare uko vari kutarisirwa kuradzikwa mangwana pahurongwa hunenge huchitungamirwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kumarinda eNational Heroes Acre.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG