Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeBato reCCC Dzinomiswa Pamperi peMatare muBulawayo neHarare, Bato iri Richiti Kushungurudzwa Kusina Maturo


Nhengo dzeCCC dziri mudare muBulawayo.
Nhengo dzeCCC dziri mudare muBulawayo.

Mutevedzeri wemutauriri webato reCCC VaGift Siziva vomiswa pamper pedal vachipomerwa mhosva mbira dine chekuita nesarudzo

Mutevedzeri wemutauriri weCitizens’ Coalition for Change, CCC, VaGift Ostallos Siziva, pamwe nedzimwe nhengo shanu dzebato rinopikisa iri vamiswa pamberi padare ramejasitiriti muBulawayo vachipomerwa mhosva dzekutyora mitemo inobata sarudzo pamwe nemitemo inobata mhirizhonga.

Pamhosva yekutanga, VaSiziva, avo vanovewo mumiriri weTshabalala-Pelandaba mudare reparamende, nevamwe vana vanoti VaEarnest Rafamoyo, Muzvare Tendai Masocha, VaSurrender Kapoikulu, vanove mumiriri weBulawayo Central mudare reparamende, pamwe naVaSimbarashe Dube vanove kanzura muguta reBulawayo, vanonzi vakatyora mitemo kuburikidza nekatuka Amai Soneni Moyo vaikwikwidzana naVaSiziva musarudzo, musi wa 11 Nyamavhuvhu.

Members of CCC in court in Bulawayo
Members of CCC in court in Bulawayo

Pamhosva yechipiri VaSiziva nevamwe vavo vanosanganisira zvekare VaRafamoyo, Muzvare Masocha, VaDube nemumwezve kanzura weBulawayo, VaLovewell Mwinde, vanonzi vakabvarura magwaro ekutsvagisa rutsigiro aAmai Moyo musi wa16 Nyamavhuvhu.

Gweta revatanhatu ava, VaTinashe Runganga, vatsanangurira Studio 7 nezvemhosva dzakatarisana naVaSiziva nevamwe vavo.

“Vari kunzi vakatuka Amai Moyo. Saka saka trial date ravapo, tiri kunzi musi wa29 nyaya inenge ichizotongwa mudare. Pane imwe yacho futi yavari kunzi ivo vakabvisa maposter Amai Moyo. Vari kunzi mhosva iyoyo vakiita musi wa16 August. Saka ndidzo nyaya mbiri dzavakatarisana nadzo.”

CCC Lawyer Tichaona Runganga
CCC Lawyer Tichaona Runganga


Mutongi wedare, VaProgress Murandu, vati mhosva yekutanga ichatanga kutongwa musi wa29 Gunyana uye zuva rekutanga kutongwa kwemhosva yechipiri richaziviswa musi mumwe chetewo.

VaSiziva nevamwe vavo vari kutongwa vachibva kumba uye havana
kubvisiswa mari yechibatiso.

Ukuwo, kumatare amejasitiriti muHarare, mutevedzeri wameya weguta iri, Muzvare Kudzai Kadzombe, avo vari kupomerwa mhosva yekurova imwe nhengo yeZanu PF munguva yesarudzo, vanzi vadzoke kudare musi wa2 Gumiguru.

Vachitaura kuvatapi venhau mushure mekunge vabuda mudare, VaSiziva vati kusungwa kuri kuitwa nhengo dzebato ravo kunoratidza pachena kusagadzikana kwezvinhu munyika vakati bato ravo rinoramba rakasimba nerekuti munyika muitwe sarudzo itsva dzakachena.

Harare Deputy Mayor Kudzai Kadzombe
Harare Deputy Mayor Kudzai Kadzombe


“Haungati uri baba wahwina lotto wosvika kumba wonorova vana. Unotora vana moenda monopembera. Izvi zviri kuitika zvinoratidza kuti havana kukunda mumaelections. Nhengo dzedu dziri kutyisidzirwa munyika mose nekumaruwa. Dambudziko remuZimbabwe nderesarudzo dzinoitwa dzisina kuchena ndiko kusaka tiri kuramba tichikumbira nyika dzeSADC neAU kuti dzitibatsire kugadzirisa gakava iri nekuti hapana zvingafamba munyika kana izvi zvisina kugadziriswa.”

Taedza kunzwa kubva kumutauriri weZanu PF, VaChristopher Mustvangwa, pamwe nemushandi mukuru muhofisi yezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaFarai Marapira, asi nharembozha dzavo dzange dzisiri kubatika.

Zvichakadaro, pamboita kukandirana makobvu nematete panze pedare reWest Commonage pakati paAmai Moyo nevamwe vatsigiri vebato reCCC, avo vange vachiti Amai Moyo havazi nhengo yebato iri uye vari kushandiswa nevamwe vanhu vavasina kudoma.

Soneni Moyo in Court
Soneni Moyo in Court


Amai Moyo varamba kudavira mubvunzo wekuti ivo inhengo yebato reTripple C here zvechokwadi kana kuti kwete? Vati Zimbabwe Electoral Commission yakatambira magwaro avo ekukwikwidza musarudzo dzeparamende pasi pebato reTripple C zvisina mubvunzo, vakatiwo sechizvarwa cheZimbabwe chakakwana, ikodzero yavo kupinda mumakwikwi ekusarudzwa kuve mumiriri weparamende.

Zvisineyi kuti nyaya idzi hadzisati dzatongwa, Amai Moyo vati vane humbowo hwakakwana hunoroverera VaSiziva nevamwe vavo.

Amai Soneni Moyo, vakakwirira nhengo dzeCCC dare.
Amai Soneni Moyo, vakakwirira nhengo dzeCCC dare.


“Vakakanganisa zvikuru ini ndisipo, paine vana vangu,
ndikafonerwa nemuvakidzani wangu achindiudza zvemhirizhonga zvose
zvavaiita, vachindituka vachiti ‘mai venyu mutengesi, inhengo yeFAZ,
iZanu PF, vakatumwa naVaMnangagwa’ vachitaura zvose izvozvo kuvana
vangu. Ndinoda kuti mutemo ushande nenzira yawo.”

Amai Moyo vati vanhukadzi munyika vanotya kupinda muzvinzvimbo zvehutungamiri nekuda kwekuti vanonyombwa nenzira dzakasiyana-siyana kana kutyisidzirwa, vakati tsika iyi inofanirwa kupera.

Bato reCCC rinoti nhengo dzaro dziri kugara dzichisungirwa mhosva dzisina maturo, uye izvi zviri kuitwa senzira yekutyityidzira nhengo dzayo.

Bato iri rinoti imwe nhengo yaro, Amai Maureen Kademaunga, vakasungwawo svondo rino vachipomerwa mhosva dzavasina kupara izvo zvakaita kuti muchuchisi mukuru wenyika arambe kupinza nyaya yavo mudare sezvo pakange pasina humbowo hwakakwana.

Asi mapurisa anoti ari kusunga vanhu vose vanenge vapara mhosva asingatarise kuti abva mumba maani.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG