Nyanzvi munyaya dzezvehutano dziri kuyambira veruzhinji kuti vagare vakangwarira kusatapurirana chirwere cheCovid-19 munguva ino yezororo rekisimusi negore idzva.
Vanhu vakawanda vari kutadza kutora mari dzavo kumabhanga nepama ATM izvo vati zvichakanganisa zororo ravo rekisimusi.
Vakamboshanda naDongozi kuZimbabwe Union of Journalists, uko ashaya ari munyori mukuru wesangano iri, VaMathew Takaona, vaudza Studio7 kuti indasitiri yekuburitswa kwenhau yarasikirwa zvanyanya nekushaya kwaDongozi.
Zimbabwe iri kubatana nedzimwe nyika mukupemberera zuva rekisimusi rinova rakakosha zvikuru kune vakawanda.
Mumwe wevanhu vasiri kufara nekukwidzwa kwemari idzi, VaMike Chegura, vanoti vakanzi vabhadhare madhora matanhatu ekuAmerica pamufambo unochiita madhora matatu ekuAmerica.
Munyori mukuru wenhau dzemitambo, Tendai Ndemera, uyo akashaya nemusi weChipiri mangwanani, acharadzikwa muHarare neChishanu masikati.
Basa rekubatsira vanoshaya chinhu chinonzi nechimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri mudunhu reTexas muAmerica, Advocate James Bayanai, chiri muropa ravo.
Zvinhu hazvina kumira zvakanaka pamuganhu weZimbabwe neSouth Africa sezvo motokari nemabhazi zviri kupedza mazuva anosvika mashanu vari mumutsetse vakamirira kudhindhirwa magwaro avo ekufambisa.
Mumwe mudzimai weku Zimbabwe akafa neChipiri kuMusina, pabhodha reBeit Bridge, akagara mubhazi akamirira kudhindirwa mapepa ake ekufambisa kuti apinde muZimbabwe.
Vamwe vezvematongerwo enyika vanoti vazhinji vevanhu vakapiwa ruregerero naVaTrump vanhu vakawanikwa vaine mhosva kare, vachiti vazhinji vavo vane chekuita nemhosva dziri kupomerwa VaTrump, zhinji dzacho dziri kutarisirwa kupinda mumatare panobva VaTrump pahutungamiri hweAmerica.
Apo Zimbabwe iri kupemberera zuva rekubatana (Unity Day) nyanzvi munyaya dzerunyararo nekubatana dzinoti nyika ichine rwendo rwurefu mukuwana runyararo nekubatana kwechokwadi.
Rodhai zvimwe