Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzopesana Maonero paNyaya yeKisimusi muZimbabwe Gore Rino


Nemusi weChishanu, Zimbabwe iri kubatana nedzimwe nyika mukupemberera zuva rekisimusi rinova rakakosha zvikuru kune vakawanda.

Asi munyika hamuna kuwirirana kuti gore rino riri nani here zvichienzaniswa nemamwe adarika.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, negurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, vari kuti hupfumi huri kugadzikana.

Asi mutungamiri webato guru rinopikisa reMDC Alliance, VaNelson Chamisa, mumashoko avo kuruzhinji rweZimbabwe vati vanhu vari kunonga svosve nemuromo zvekuti vashoma vanokwanisa kupemberera zuva iri sekare.

Dambudziko rechirwere cheCovid-19 riri kupawo kuti vakawanda vatye kuita magungano sezvinosiitwa.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari mukuru weCentre for Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu, vanoti muZimbabwe hamuna chekupemberera nekuti hurumende yakundiakana kugadzirisa nyaya dzezvehupfumi.

Asi nyanzvi munyaya dzezvemabhanga vari nhengo yeZanu-PF, VaGilbert Muponda, vanoti hupfumi huri kugadzikana uye gore rino riri nani pane mamwe adarika.

Hurukuro naVaFarai Maguru naVaGilbert Muponda
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG