Dare ramejastiriti muMasvingo neMuvhuro rakatongera nhengo yeAmalagamated Teachers Union of Zimbabwe(ARTUZ), Muzvare Sheila Chisirimunhu kugara mutirongo kwemwedzi gumi nemitanhatu.
Mumwe mutori wenhau, aishandira kambani yeNewsday akashaya neMuvhuro mushure mukurwara neitsvo. Ange ave nemakore makumi mana nemasere ekuberekwa.
Izvi zvinoreva kuti America yave nemishonga yenhomba miviri panguva iyo chirwere ichi chiri kuwedzera muAmerica ne mune dzimwe nyika.
Vanoti pane kuwirirana pakati pevanhukadzi vemapato akasiyana siyana kuti vanhukadzi vanofanirwa kupiwa zvigaro zvinoita zvikamu makumi mashanu kubva muzana, mungave muparamende, kanzuru kana papi zvapo panomirirwa vanhu.
Mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump avo vakakundwa musarudzo naVaJoe Biden vebato remaDemocrats idzo vari kuramba kutambira vakwirazvekare kudare repamusoro soro reSupreme Court vachida kuti risatambira zvakabuda musarudzo dzemudunhu rePennsylvania.
Sangano reConfederation of Zimbabwe Retailers rabatana nevamwe vemabhizimisi nevanorwira kodzero dzevatengi kukurudzira hurumende kuti imire kumanikidza kubhadhara mutero vanoenga mupunga wekutengesa kubva kunze kwenyika.
Huwandu hwevanhu vari kufa nechirwere cheCovid-19 huri kuramba huchikwira mushure mekunge vamwe vanhu vaviri vafa nechirwere ichi. Munhu mumwe chete akafa kuManicaland neMasvingo.
Vamwe vakaputsirwa dzimba kuBuduriro pasi pemushandirapamwe unonzi Tembwe Housing Cooperative vanyora tsamba kumutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga kuti vave batsira sezvo vari kuti mukanzuru maita huori.
Mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump vari kuti vanhu venyika yavo havafanire kunyanya kuvhunduka mashoko ekuti Russia yakasora magwaro akakosha mumapazi ehurumende yeAmerica uye mamwe makambani emunyika iyi.
Huwandu hwevanhu vari kufa nechirwere cheCovid-19 huri kuramba huchikwira mushure mekunge vamwe vanhu vaviri vafa nechirwere ichi neMugovera
Meya weguta reBindura VaBrian Kembo vanoti zvaive nani kuti vanhu vakadhirikirwa nemugodhi paRan Mine pedyo nedhorobha iri vavigwe havo ipapo nekuti hapachina kana tarisiro yekuburitsa mutumbi kana mumwe chete zvawo.
Bazi reUnited Nations rinoona nezvechikafu reWorld Health Organization raisa chikumbiro cheimwe mari inosvika mamiriyoni mazana maviri nemana kana kuti 204 million yekubatsira vanhu mamiriyoni mana vemuZimbabwe vatarisana nenzara.
Rodhai zvimwe