Apo Zimbabwe iri kupemberera zuva rekubatana (Unity Day) nyanzvi munyaya dzerunyararo nekubatana dzinoti nyika ichine rwendo rwurefu mukuwana runyararo nekubatana kwechokwadi.
Ndemera, uyo anozivikanwa nezita remudunhurirwa rekuti Ndem Ndem, ashaya mangwanani emusi Chipiri mumusha weSunningdale muHarare mushure mekurwara kwenguva refu.
Gurukota rinoona nezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube muhurongwa hwekufambiswa kwemari hwebhajeti regore rinouya kana kuti bhajeti statement vari kubuda pachena kuti vawedzera mambhure kuona kuti vanhu vakawanda munyika vabhadhara mari yemutero kusanganisira vanozviitira mabasa emaoko.
Vachangosarudzwa kuve mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, vakabaiwa nhomba yekudzivirira chirwere cheCovid-19 nemusi weMuvhuro pamberi pevatori venhau.
Vatambi vemuZimbabwe vari kunyemwerera vakananga kuhorodhi yeKisimisi yemitambo yenhabvu, panguva iyo FC Platinum irikugadzirirawo kupunzira pasi Simba Stars yekuTanzania zuva reKisimisi risati rasvika mumutambo weCaf Champions League.
Vanhu vakawanda vari kupesana panyaya yekuti vana vari pasi pezera vapihwe mapiritsi ekuronga mhuri pamwe nemishonga yekudzivirira zvirwere zvepabonde.
Dare ramejastiriti muMasvingo neMuvhuro rakatongera nhengo yeAmalagamated Teachers Union of Zimbabwe(ARTUZ), Muzvare Sheila Chisirimunhu kugara mutirongo kwemwedzi gumi nemitanhatu.
Mumwe mutori wenhau, aishandira kambani yeNewsday akashaya neMuvhuro mushure mukurwara neitsvo. Ange ave nemakore makumi mana nemasere ekuberekwa.
Izvi zvinoreva kuti America yave nemishonga yenhomba miviri panguva iyo chirwere ichi chiri kuwedzera muAmerica ne mune dzimwe nyika.
Vanoti pane kuwirirana pakati pevanhukadzi vemapato akasiyana siyana kuti vanhukadzi vanofanirwa kupiwa zvigaro zvinoita zvikamu makumi mashanu kubva muzana, mungave muparamende, kanzuru kana papi zvapo panomirirwa vanhu.
Mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump avo vakakundwa musarudzo naVaJoe Biden vebato remaDemocrats idzo vari kuramba kutambira vakwirazvekare kudare repamusoro soro reSupreme Court vachida kuti risatambira zvakabuda musarudzo dzemudunhu rePennsylvania.
Rodhai zvimwe