Gurukota rinoona nezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube muhurongwa hwekufambiswa kwemari hwebhajeti regore rinouya kana kuti bhajeti statement vari kubuda pachena kuti vawedzera mambure kuona kuti vanhu vakawanda munyika vabhadhara mari yemutero kusanganisira vanozviitira mabasa emaoko.
Vanozviitira mabasa emaoko vanenge vobhadhara mari inosvika madhora zvuru zviviri nemazana mashanu kana kuti ZW$2500 yemunyika, zvimwe chete nevanogadzira musoro.
Vanotengesa doro vanenge vobhadhara zvuru gumi kana kuti ZW$10, 000 pamwedzi.
Vanorarama nekutenga nekutengesa zvinhu kunze kwenyika vanonzi vanenge vobhadhara zvikamu gumi kubva muzana pazvinhu zvavanenge vatenga kana kuti 10%.
Vamwe vachabhadhariswa ndevemakombi uye mataxi nevanotakura zvinhu zvevanhu. Vanhu ava vari kunziwo vanokwanisa kubhadhara nemari yekuAmerica.
Nyanzvi munyaya dzezvemabhanga VaGilbert Muponda vanoti vanotambira danho ratorwa naVaNcube iri nekuti vanozviitira mabasa avo vanotombowana mari dzakawanda kudarika vamwe vashandi vehurumende asi vasingabhadhare mutero.
Vatiwo pane zvakawanda zvinogona kukwanisa kuitwa nemari iyi zvinovabatsira kusanganisira kuzvikoro, zvipatara, migwagwa nezvimwe.
Asi VaMuponda hurumende inofanira kuona kuti yabatsira kuti vanhu ava vawana mari dzezvikwereti kusimudzira mabhizimisi avo.
Asi vachipawo pfungwa dzavo, nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Doctor Prosper Chitambara vanoti izvi zvichaomera vakawanda nekuti mabhizimisi avo agara akanganiswa nenyaya yeCovid-19.
Mutungamiri wesangano revanorarama nekutenga nekutengesa zvinhu kunze kwenyika reInternational Cross-Border Traders' Association VaDennis Juru vati izvi hazvina maturo nekuti vanhu vanotenga ndivo vachaomeserwa.
Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti chave kupa kuti VaNcube vatsvake uta nemugate kushaya mari yekushandisa nekuti bhajeti ravo inhava izere mhepo.
Sangano reTransparency International rinoti Zimbabwe inorasikirwa nemari inodarika bhiriyoni imwe chete pagore nenyaya dzehuori.
Facebook Forum