Mapurisa ange negurukota reMasvingo, VaEzra Chadzamira, nhasi arambidza vagari vekuChilonga kuratidzira kusafara kwavo nehurongwa hwehurumende hwekuda kuvabvisa munzvimbo iyi kuitira kuti minda yavo ishandiwe semafuro emombe dzemukaka dzekambani yeDendiary.
Misika yefodya yavhurwa nhasi varimi vachigunun’una nemitengo yange iri pasi pamwe nedanho ehurumende rekuti vabhadharwe zvikamu makumi matanhatu nemari yekunze kunyange hazvo ivo vaida kupihwa zvikamu makumi masere kubva muzana pamari yavenenge vatengesa fodya.
Mwaka wekutengeswa kwefodya uri kutarisirwa kutanga neChitatu misika yefodya ichivhurwa, ukuwo varimi vachiti vanotarisira mutengo unovagutsa pamwe nekuti vazokwanisawo kugadzirira kudzoka mumunda mwaka unotevera.
Bazi rezvehutano rinoti hakuna kana munhu mumwe chete akafa nechirwere cheCovid-19 zvasiya huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira gore rapera hwuri pachiuru chimwe chete nemazana mashanu ane makumi maviri nevashanu kana kuti 1, 525.
Sangano reWorld Food Programme rinoti riri kushanda nehurumende nemasangano akawanda kuti ribatsire vanhu vemuZimbabwe mushure mekunge pabuda gwaro rereZimbabwe vulnerability assessment kana kuti ZIMVAC richikokerwa neFood Nutrition Council rinoratidza kuti nzara yapfunya chisero munyika.
Sangano reWorld Food Programme kana kuti WFP rinoti gwaro rakaburitswa nesangano reZimbabwe Vulnerability Assessment rinoratidza kuti vanhu vanosvika mamiriyoni maviri nezviuru mazana mana kana kuti 2,4 million vanoda rubatsiro rwechikafu mumaguta emuZimbabwe.
Magweta anorwira kodzero dzevanhu anoti haasi kufara nedanho rakatorwa nehurumende rekushandura mutemo unobata minda yekumaruwa ichiisa minda iyi pasi peminda yehurumende kana kuti state land, kuburikidza nemutemo we Statutory Instrument Number 51 of 2021.
Komiti yeparamende inoona nezvekurima nhasi yaratidza kusafara kwayo nekusarongeka zvakanaka kwekambani yeTobacco Industries Marketing Board apo kambani iyi yaudza komiti iyi kuti haisati yave nehwaro hwekuti varimi vachabhadharwa sei panguva iyo kwasara masvondo matatu ekuti varimi vatengese fodya
Mutauriri weZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority kana kuti ZIMPARKS VaTinashe Farawo vakazivisa nemusi weMugovera kuti bazi ravo richishanda nevamwe varinodyidzana naro vakabata shumba ina dzange dzorura kwemavhiki mana apfuura munzvimbo yeMabale neDete kuHwange
Bazi reUnited Nations rinoona nezvechikafu pasi rose, reWORLD Food Program, (WFP), rawedzera nguva yechirongwa chayo chekubatsira vanhu nechikafu muZimbabwe.
Hurumende yakazivisa zviri pamutemo nemusi weChipiri kuti yachinja mamwe mazwi ari mumutemo, kana kuti Statutory Instrument 50 yegore ra2021, pamusoro pesora rinorimwa munzvimbo yeChilonga kuChiredzi.
Sangano reHuman Rights Watch rinoti ratora nyaya yevanhu veChilonga iyi rikaiisa pamusoro penyaya dzairi kufambira.
Rodhai zvimwe