Accessibility links

Breaking News

WALPE Inoti Ichakurudzira Vanhukadzi Kuti Vasavhotera Mapato Asingape Vanhukadzi Zvigaro Zvakaenzana Nezvevanhurume.


WALPE
WALPE

Sangano reWomen’s Academy For Leadership And Political Excellence (WALPE) rinoti kana hurumende nemapato ezvematongerwo enyika akaramba asingaite zvinodiwa nevanhukadzi, richatangidza kukurudzira vanhukadzi mumapato ezvematongerwo enyika ose kuti vasavhotera bato risingapi kuvanhukadzi zvigaro zvakenzana nezve vanhurume.

Mukuru weWALPE, muzvare Sithabile Dewa, vaudza Studio 7 kuti vanhukadzi vaedza kukurudzira hurumende kuti nyaya iyi igadziriswe asi hapana chati chaitwa, vachiti svondo rapera chairo, mutungamiri wenyika vakataura kuti vanofara nebato ravo reZanu-PF nekuti rakaisa parutivi zvigaro makumi matatu kubva muzana kuti zvichengeterwe vanhukadzi.

Muzvare Dewa vanoti vanhukadzi havasi kuzotambira kubva kuhurumende, kana kubva kubato ripi zvaro rezvematongerwo enyika, zvigaro zviripasi pezvikamu makumi mashanu kubva muzana.

Vanoti pane kuwirirana pakati pevanhukadzi vemapato akasiyana siyana kuti vanhukadzi vanofanirwa kupiwa zvigaro zvinoita zvikamu makumi mashanu kubva muzana, mungave muparamende, kanzuru kana papi zvapo panomirirwa vanhu.

Muzvare Dewa vati iyi inyaya hombe inofanirwa kugadziriswa nemapato ezvematongerwo enyika pamwe chete ne hurumende sarudzo dzisati dzaitwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Sachigaro ve MDC-T mudunhu re America, VaDen Moyo, vanoti iyi inyaya inofarirwa zvikuru nebato ravo, vachiti zviri mubumbiro remutemo webato ravo kuti vanhukadzi vapiwe zvigaro zvakaenzana nezvevanhurume.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, sachigaro weMDC Alliance mudunhu reAmerica, VaTawanda Dzvokora, vanoti vanotsigira WALPE mukuti mapato ose asingapi madzimai zvikagaro zvikamu makumi mashanu kubva muzana asavhoterwa musarudzo. Vanoti vanhukadzi ndivo vanoita basa rose mumapato ezvematongerwo enyika asi kana tasvika pane tunonaka, vanosudurudzirwa kure.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG