Vakasarudzwa kutungamira nyika yeAmerica VaJoe Biden nemutevedzeri wavo Amai Kamala Harris vari kutarisirwa kudoma vamwe vanhu vachange vari mubazi ravo rezvehupfumi.
Kunyange hazvo Botswana yavhura zvizere mabhoda ayo mashanu nhasi kusanganisira muganhu waro uri pedyo neguta rePlumtree weRamokgwebana, kwanga kuine motokari nevanhu vashomanana vanga vachipinda nekubuda munyika iyi.
Vamwe varimi vanoti vari kutadza kurima nekuda kwekunonoka kwemabhanga ari kutarisirwa kuvapa zvikwereti zvenembeu, fotireza nedhiziri rematirakita ekurimisa pazvirongwa zvehurumende zvekuyedza kusimudzira goho zvakaita seCommand Agriculture.
Zimbabwe neChipiri yakabatana nedzimwe nyika dzose pasi rose kucherechedza zuva reWorld AIDS Day pane kurudziro yekuti hurumende idzike mutemo unoita kuti vanorarama nechipfambi vaite basa ravo vakasununguka senzira yekuderedza kupararira kwechirwere cheHIV/AIDS.
Huwandu hwevanhu vakanga vabatwa nechirwere cheCovid-19 munyika yose pakupera kwezuva neMuvhuro hwakadarika zviuru gumi, kana kuti 10 000 zvichitevera kuwanikwa kwevanhu makumi masere nevana kana kuti 84 vaine chirwere ichi.
Vachitaura panhepfenyuro yeZBC nezuro manheru, mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakati gore rino, kucherechedzwa kwe zuva iri kunokosha nekuti nyika dzepasi pose dzakatarisana nechirwere che Covid-19.
Vamwe vagari vemudhorobha reMasvingo vanyora tsamba dzenyunyuto zviri pamutemo vachiramba kutambira bhajeti regore rinouya rakaparurwa nekanzuru yavo iyo inoda kukwidza mari yemitero nezvikamu zvinosvika mazana masere kubva muzana.
Vamwe vanhu vakaremara vari kunyunyuta pamusoro pezvivakwa zvemuguta reHarare nemamwe madhorobha izvo vasingakwanisi kushandisa zvinova zvinotyora kodzero dzavo.
Hurumende inoti mutoro wayo kuviga munhu akafa achiyamura mukufukunyurwa kwevanhu vakadhirikirwa nemugodhi muBindura svondo rapera.
Amai Mary Mubayiwa, mudzimai wemutevedzeri wemutungamiri wenyika wavari kunetsana naye VaConstantino Chiwenga vakaenda kudare ramejastiriti neMuvhuro vari muambulance.
Sangano rinomirira vashandi mubazi rezvekurima, reZimbabwe Agricultural Professionals and Technical Association (ZAPTA) rinoti harisi kufara nezvirikuitwa nehurumende maererano nekuvabhadhara mari dzekubatsirikana panguva yekurwisana ne Covid-19.
Zvaitwa naVaBiden izvi, ndizvo zvekutanga muzinda we White House uchiita chikwata chevanhukadzi vega vanoona nezve kufambiswa kwemashoko mumuzinda uyu.
Rodhai zvimwe