Accessibility links

Breaking News

Huwandu hweVanhu Vabatwa neCovid-19 Nyika Yose Hunodarika Zviuru Gumi


Veruzhinji vanonzi havachaonekwa vahipfeka zvinovhara miromo nemhino kana kuchengetedza mikaha pakati pavo kudzivira kupararira kwehutachihwana hwecoronavirus.
Veruzhinji vanonzi havachaonekwa vahipfeka zvinovhara miromo nemhino kana kuchengetedza mikaha pakati pavo kudzivira kupararira kwehutachihwana hwecoronavirus.

Huwandu hwevanhu vakanga vabatwa nechirwere cheCovid-19 munyika yose pakupera kwezuva neMuvhuro hwakadarika zviuru gumi, kana kuti 10 000, zvichitevera kuwanikwa kwevanhu makumi masere nevana kana kuti 84 vaine chirwere ichi pavanhu mazana manomwe nemakumi mapfumbamwe nevanomwe vakavhenekwa nyika yose, kana kuti 797.

Izvi zvakasiya vanhu vabatwa nyika yose neCovid-19 vasvika pazviuru gumi nemakumi matatu nevana, kana kuti 10 034.

Huwandu hweanhu vafa kusvika pari zvino hwakakwirawo kusvika pamazana maviri nemakumi manomwe nevanomwe, kana kuti 277, zvichitevera kushaya kwemunhu mumwe chete kuManicaland.

Dunhu reMashonaland East, iro rinosimboshaya kana munhu mumwe chete anombowanikwa aine chirwere ichi, neMuvhuro rakaona vanhu makumi maviri nevatatu kana kuti 23 vachiwanikwa vaine chirwere ichi.

Pavanhu vose vakawanikwa vaine chirwere ichi, makumi matanhatu nemumwe, kana kuti 61, vanhu vagara vari munyika, kuchiti makumi maviri nevaviri kana kuti 22 vanhu vakadzoka kubva kuSouth Africa mumwe chete achidzokawo munyika kubva kuBotswana.

Vanhu vapona kubva kuchirwere ichi vasvika pazviuru zvisere nemazana mana ane makumi masere nevapfumbamwe, kana kuti 8 489, uye vanhu vachiri kurwara neCovid-19 vave chiuru nemazana maviri ane makumi matanhatu nevasere, kana kuti 1 268.

Kukwira kwehuwandu uku kunouyawo panguva iyo Zimbabwe yavhura miganhu yayo yose kutanga neChipiri kuvanhu nedzimotokari, iyo yakanga yavharwa senzira yekudzivirira nayo kupararira kwechirwere ichi.

Kunyange hazvo dzimwe nyanzvi mune zvehupfumi dziri kuti idanho rakanaka rekuvhura miganhu kuitira kuti hupfumi hwenyika hufambe zvakanaka, dzimwe nyanzvi dzehutano dziri kushora danho iri dzichiti richaita kuti vanhu vakawanda vatapurirwe hutachiwana hunokonzera Covid-19.

Imwe nyanzvi yezvehutano vari chizvarwa cheZimbabwe chiri muWashington D.C., VaFrenk Guni, vanoti vanoona kuti kuvhurwa kwemiganho kuchakanganisa hurongwa hwekurwiswa kwechirwere ichi sezvo South Africa iine vanhu vakawanda vane Covid-19 muAfrica yose.

Vanoti paifanirwa kutanga paonekwa kuti paiswa matanho achadzivirira kupararira kwechirwere vachiti vamwe vanhu vachavhenekwa kupisa kwemiviri yavo pamiganho vanogona kunge vachiratidza sevasina chirwere asi vakatochitakura, vachiti vanhu vanofanirwa kuvhenekwa nemichina yePCR kunyange hazvo vaine magwaro anoratidza lkuti vakavhenekwa kare.

Pakukwira kwehuwandu hwevari kubatwa nechirwere ichi, VaGuni vanoti hazvishamise sezvo zviri pachena kuti veruzhinji havachatevera mitemo yekudzivirira kupararira kwehutachiwana hunokonzera chirwere ichi kuburikidza nekusapfeka mamasiki, uye kusiya mikaha pakati pavo pamwe nekusaungana.

Hurukuro naVaFrenk Guni
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, mashoko atumirwa kuStudio 7 neAfrican Union achibva kuAfrica Centers for Disease Control and Prevention anoratidza kuti vanhu vanodarika mamiriyoni maviri nechiuru zana, kana kuti 2, 1 million vabatwa nechirwere cheCovid-19 muAfrica.

Vanhu vafa vasvika zviuru makumi mashanu nechimwe zvine mazana mapfumbamwe negumi nevashanu kuti 51,915. Vapora vadarika miriyoni imwe chete nezviuru mazana masere, kana kuti 1,8 million.

South Africa ine vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere ichi muAfrica yose. Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere che coronavirus pasi rose hwadarika mamiriyoni makumi matanhatu nematatu, kana kuti 63 million.

Johns Hopkins University yemuAmerica, iyo iri kuongorora kupararira kwechirwere ichi pasi rose, inoti muAmerica ndimo mune vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere ichi.

Vafa muAmerica vadarika zviuru mazana maviri nemakumi matanhatu nezvisere, kana kuti 268, 000, kuchitiwo vabatwa nechirwere ichi vachidarika mamiriyoni gumi nematatu ane zviuru mazana mashanu kana kuti 13, 5 miillion.

Pasi rose vanhu vafa nechirwere ichi vanodarika miriyoni imwe chete nezviuru mazana mana, kana kuti 1, 4 million, asi vapora vachidarikawo mamiriyoni makumi mana nezviuru mazana matanhatu, kana kuti 40, 6 million.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG