Accessibility links

Breaking News

Varimi Vokundikana Kuwana Zvikwanisiro zveCommand Agriculture Zvakavimbiswa neHurumende


Vamwe varimi vanoti vari kutadza kurima nekuda kwekunonoka kwemabhanga ari kutarisirwa kuvapa zvikwereti zvekutenga mbeu, fotereza nedhiziri rematirakita ekurimisa pazvirongwa zvehurumende zvekuyedza kusimudzira goho zvakaita seCommand Agriculture.

Mabhanga ndiwo anokweretesa vanhu ava mari yekutenga zvikwanisiro hurumende ichishanda sechibatiso. Vamwe varimi vadiki vari pazvirongwa zvakaita sePfumvunza uye vamwe vanobatsirwa nehomwe yemutungamii wenyika kana kuti Presidential Input Scheme.

Asi varimi vakawanda vari kuswera vari mumitsetse yepamabhangi kuti vanyorese kupihwa magwaro kana kuti mavouchers anoita kuti vapihwe mbeu, fotireza nedhiziri.

Mumwe murimi VaMaynard Chuma vanoti dambudziko riri kutanga pakuvhura bhuku rebhanga kana kuti account sezvakakurudzirwa nehurumende sezvo pari kudiwa zvinhu zvakawandisa.

Mumwe murimi asina kuda kudomwa nezita anoti vemabhanga vari kuda mari inoita churu chemadhora kuvhura akaundi iyo vanoti vakawanda havana panguva ino.


Mumwe murimi wekuMhangura VaRedfun Burira vanoti kunyange murimi ave neakaundi dambudziko rinenge risati rapera vachiti hapana chiri kushanduka munyaya dzekupihwa zvikwanisiro zvekurimisa. Vanoti zvave pachena kuti vachanonoka kudyara vachiti zvikwanisiro zvekurima zvinofanirwa kupihwa mvura isati yave kunaya.

Mumwe murimi VaChristopher Kambanje vanoti kunyange vave nemavoucher edhiziri, vemagaraji vanenge vachiti havana. VaKambanje vave kutofunga zvekutengesa mombe kuti vakwanise kurima sezvo vari kuti gore rino kuri kuratidza kuti kune mvura yakawanda.

Mukuru webhanga reCBZ muChinhoyi Amai Nyarie Mandingaisa varamba kutaura nesu vachiti titaure nemutauriri webhanga iri, Muzvare Matilda Nyathi avo varamba kupindura mibvunzo yedu vachiti tivanyorere padandemutande asi vanga vasati vapindura pataenda pamhepo.

Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda neZimbabwe Farmers Union kana kuti ZFU-Doctor Prince Kuipa vati kutadza kuronga kwehurumende pamwe nemabhanga makore ose zvinokonzera kunonoka kudyara kwevarimi vari muzvirongwa zvehurumende.

Hurumende yakatora danho rekushandisa mabhanga kuti vashande nevarimi kuti zvizove nyore kutevera zvikwereti zvinenge zvapihwa varimi. Murimi anenge apihwa zvikwanisiro zvekurima nehurumende kuburikidza nemabhanga anofanirwa kushandisa akaundi yaanenge avhura nebhanga iri kana ave kubhadharwa zvirimwa zvaanenge atengesa.

Nyaya Ina Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG