Zimbabwe neChipiri yakabatana nedzimwe nyika mukucherechedza zuva reWorld AIDS Day paine kurudziro yekuti hurumende idzike mutemo unoita kuti vanorarama nechipfambi vaite basa ravo vakasununguka senzira yekuderedza kupararira kwechirwere cheHIV/AIDS.
Vachitaura pamhemberero dzekucherechedza zuvairi muHarare, mutungamiri wesangano reKatswe Sistahood uye vari sachigaro weZimbabwe AIDS Network, Amai Talent Jumo, vati vanorarama nekutengesa miviri yavo vari panjodzi yakakura zvikuru sezvo vachigara vakaita hwakiti nagonzo nemapurisa izvo zvavanoti zvinopedzisira zvaita kuti vamwe vavo varare nemapurisa vasina kuzvidzivirira vachiedza kuti vasasungwe.
Amai Jumo vati hurumende inofanira kutora matanho nekukurumidza kuti vanhu ava vaite basa ravo vakasununguka zvisingazovapinze panjodzi.
Hatina kukwanisa kutaura nemutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi kuti tinzwe divi remapurisa panyaya iyi.
Mukuru wesangano reNational AIDS Council, VaBenard Madzima, vati huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere cheHIV/AIDS hwaderera munyika.
Mumwe anorarama nechirwere ichi, VaMisheck Sakupwanya, vatiwo kubatwa nechirwere cheHIV/AIDS hazvireve kuti munhu atofa vakakurudzira veruzhinji kuti vanoongororwa.
Zvichakadai, mutevedzeri wemutungamiri wenyika uye vari gurukota rezvehutano, VaConstantino Chiwenga, avo vatumira mashoko avo pavhidhiyo kumhemberero idzi vati hurumende iri kushanda zvakasimba kuedza kupedza chirwere ichi munyika panosvika gore ra2030.
Mumiriri weAmerica muZimbabwe, VaBrian Nichols vatumirawo mashoko kumhemberero idzi vachiti hurumende yeAmerica yakazvipira kubatsira Zimbabwe nemari inoita mamiriyoni mazana maviri emadhora ekuAmerica ichashandiswa gore rinouya mukurwisana nechirwere cheHIV/AIDS.
Mhemberero dzegore rino dzaitwa pasi pedingindira rekuti Global Soliadarity Shared Responsiblity.
Mhemberero idzi dzaitwa paine vanhu vashoma mukuyedza kutevedzera zvakatarwa nesangano reWorld Health Organization kuti vanhu vagare vakataramukana senzira yekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.
Facebook Forum