Accessibility links

Breaking News

VaBiden Voramba Vachiumba Hurumende Yavo Kunyangwe VaTrump Vachiri Kuramba Kutambira Sarudzo


VaJoe Biden
VaJoe Biden

Vakasarudzwa kutungamira nyika yeAmerica VaJoe Biden nemutevedzeri wavo Amai Kamala Harris vadoma vamwe vanhu vachange vari mubazi ravo rezvehupfumi apo vari kuenderera mberi nekudoma vakuru vemapazi akasiyana siyana.

NeMuvhuro vaviri ava vakazivisa kuti Amai Janet Yellen ndivo vachange vachitungamira bazi rezvemari kana kuti Treasury Department uye ndiye mudzimai wekutanga munhoroondo yeAmerica.

VaBiden vakadoma vaWally Adeyemo mutema wekutanga pabasa iri kuva mutevedzeri waAmai Yellen.

Amai Neera Tandem vanova mutungamiri weCenter for American Progress ndivo ndivo vachatungamira bazi rezvebhajeti rehurumende. Amai Cecilia Rouse vachange vachitungamira komiti yezvipangamazano munyaya dzezvehupfumi.

VaBiden vakati chikwata chezvehupfumi ichi ndicho chichatungamira mukubatsira vanhu vawirwa nematambudziko munyaya dzezvehupfumi zvichikonzerwa nechirwere checoronavirus.

Kunyangwe hazvo vanhu mamiriyoni makumi maviri nevaviri kana kuti 22 million vainge varasikirwa nemabasa nekuda kwechirwere ichi, mabasa aya adzoka kunyangwe hazvo vanhu vanodarika zviuru mazana manomwe kana kuti 700, 000 vakanyoresa kuti vari kuda kubatsirwa nehurumende sezvo vakagumurwa pamabasa.

VaBiden vakavimbisa kuti vanhu vavachashanda navo vanenge vachibva kumarudzi ose zvasiyana nemutungamiri wenyika VaDonald Trump avo vane varume vachena kunyanya mumabasa ose epamusoro.

VaBiden kutanga neneMuvhuro vave kusumwa zuva nezuva zvenyaya dzekudzivirirwa kwenyika sezvinoitwa vatungamiri venyika yeAmerica. Vari kutarisira kutora mhiko yekutungamira musi wa 20 Ndira.

Musi wa 14 Zvita zvakabuda musarudzo zviri kutarisirwa kutambirwa neElectoral College zvozoendeswa kuCongress muna Ndira.

Asi VaTrump vari kuramba kutambira zvakabuda musarudzo vachiti vachatambira zvinenge zvabuda kuElectoral College chete.

VaDonald Trump a
VaDonald Trump a

VaTrump vari kukundikana munyaya dzavari kukwidza kumatare kunyangwe hazvo vave kuti vave kuenda kudare repamusoro soro reSupreme Court.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG