Bato reMDC-T rinotungamirirwa naMuzvare Thokozani Khupe, nemusi weChipiri rakadzinga makanzura mana kuMasvingo, matatu kuChegutu uye mashanu kuChinhoyi kusanganisirawo meya wedhorobha iri VaDyke Makumbi vachinzi vanotsigira MDC Alliance inotungamirirwa naVaNelson Chamisa
Pane hurongwa hwekuti vakasarudzwa kutungamira nyika yeAmerica VaJoe Biden vachatoreswa mhiko musi wa 20 Ndira gore rinouya vanhu vasina kuungana paWashington Mall muguta reWashington DC sezvinoitwa makore ose nekuda kwekupararira zvakanyanya kwechirwere checoronavirus.
Mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga vanonzi vakaendeswa kuChina kunorapwa panguva iyo mudzimai wavo iyo wavari kurambana naye ari kutadza kubuda kunze kwenyika kuti anorapwa sezvo akatorerwa pasipoti nedare.
Nyanzvi dzezvehupfumi dziri kuyambira kuti kukwidzwa kwemutengo wemafuta edhiziri kwakaitwa neZERA mukupera kwesvondo kuchaita kuti mitengo yezvinhu zvakawanda ikwirewo sezvo dhiziri chiri chimwe chezvinhu zvakakosha mukufambiswa kwemabasa kubva nemakambani pamwe nevezvitoro.
Bazi rezvehutano rinoti vanhu vatatu vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro kuHarare, Bulawayo neMasvingo.
Chikwata cheFC Platinum chatambidzwa mukana wekutanga chiri pamusha neSimba Stars yekuTanzania mumitambo miviri yekuumisira munzira yekupinda mumagungano eCaf Champions League kana kuti mini league.
Vakasarudzwa kutungamira nyika yeAmerica kutanga musi wa20 Ndira, vaJoe Biden vebato remaDemocrats vari kutarisirwa mangwana kudoma vaive gweta guru redunhu reCalifornia vaXavier Becerra kuti vave gurukota ravo rezvehutano.
Munyori mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, neMuvhiro vakakumbira nhengo dzeparamende kuti dzitaure nebazi rezvemari
Mutori wenhau weZBC, Janet Munyaka, uyo akauraiwa nechirwere cheCovid-19 aradzikwa kuGlen Forest muHarare neMuvhuro asi masangano anomirira vatori venhau achikurudzira kuti vemakambani anoita nezvekuburitswa kwenhau vatore matanho akasimba kudzivirira vatori venhau mukutapurirwa chirwere ichi.
Bazi rezvehutano rinoti vanhu zana nemumwe kana kuti 101 vakabatwa nechirwere cheCovid-19 nezuro. Pavanhu ava, makumi mana nevatanhatu vakabatwa nechirwere ichi munyika vamwe makumi mashanu nevashanu vakabva nacho kuSouth Africa.
Sarudzo dzemakomiti epasi kana kuti District Coordinating Committees dziri kuenderera mberi mubato reZanu-PF kunyangwe hazvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka sezvo dzimwe nhengo dzebato iri dzabatwa nechirwere cheCovid-19
Zviuru nezviuru zvevatsigiri veMDC Alliance zvakaunganana nezuro kwaChiwara kwaGutu kuMasvingo kunyaradzo yaAmai wemutungamiri webato iri VaNelson Chamisa, avo vakashaya musi wa 6 Chikunguru gore rino mushure mekurwara kwenguva pfupi pfupi
Rodhai zvimwe