Accessibility links

Breaking News

Kukwidzwa kweMutengo weDhiziri Kwotyirwa Kuti Kuchakonzera Kukwira kweMitengo yeZvinhu Zvakawanda


Kukwidzwa kwdhiziri neZERA nemasendi gumi nemapfumbamwe kunonzi kucharemera vemabhizimusi, avo vanozoguma vakwidza mitengo yezvinhu zvakawanda.

Nyanzvi dzezvehupfumi dziri kuyambira kuti kukwidzwa kwemutengo wemafuta edhiziri kwakaitwa neZimbabwe Energy Regulatory Authority, ZERA, mukupera kwesvondo, kuchaita kuti mitengo yezvinhu zvakawanda ikwirewo sezvo dhiziri chiri chimwe chezvinhu zvakakosha mukufambiswa kwemabasa kubva nemakambani pamwe nevezvitoro.

Imwe yenyanzvi idzi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti mutengo wedhiziri wakakwidzwa zvichibva pakukwidzwa kwakaitwa mutero wekupinzwa kwedhiziri munyika negurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube mubhajeti ra2021 ravakaparura mwedzi wapera.

Doctor Chitambara vanoti izvi zvichaitawo kuti mitengo yezvimwe zvose, kusanganisira mabhazi nemichovha yose yekufambisa ikwidzwe.

Izvi zvinotsinhirwa nemutungamiri wesangano rinomirira vezvitoro pamwe nevanoita zvekutenga nekutengesa, reZimbabwe Confederation of Retailers, VaDenford Mutashu, avo vanoti kukwira kwemutengo wemafuta uku kunotsimbirira kufamba kwebhizimusi nezvikamu zviri pakati pezvina kubva muzana kusvika pazvikamu gumi kubva muzana.

Vanoti zvikamu izvi zvinozoita kuti vanamuzvinabhizimusi vakwidzewo mitengo yezvigadzirwa nezvitengeswa izvo zvinozopedzisira zvaremedzwa kuvatengi.

Mutungamiri weZCTU, VaPeter Mutasa, vanoti dambudziko riripo nderekuti kukwira kwezvinhu zvose kuchikonzerwa nekukwira kwemafuta aya kunorasirwa kuvashandi pamwe nevarombo.

VaMutasa vanoti zvimwe zvacho zvinokwidzwa mitengo zvakaita senyama nezvimwe zvekudya uyewo mari dzinobhadharwa pama Toll Gate, zvatokwidzwa zvakanyanya asi mari inotambirwa nemushandi isina kukwidzwa.

Ukuwo, VaMutashu vanoti savanamuzvinazvitoro, vari kunyunyuta nekukwira kwemutengo uku uye vachada kunzwisisa kubva kuhurumende kuti seyi mutengo wedhiziri wakwira izvo zvinhu zvanga zvakagadzikana munyika zvichitevera kuparurwa kwemusika wekutengeswa kwemari yekunze.

Asi gurukota rezvemhando dzemoto, VaSoda Zhemu, vanoti vane zvinyunyuto vanoziva nzira dzekusvitsa nadzo zvinyunyuto zvavo kuhurumende.

VaZhemu vanoti kukwira kwemutengo wedhiziri kwakakonzerwawo nekukwira kwemitero inobhadharwa pakupinda kwemafuta aya munyika.

Imwe nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda vakazvimirira, VaMasimba Kuchera, vanoti kana mitengo yezvinhu yakaramba ichikwira zvichaita kuti hondo yegurukota rezvemari Muzvinafundo Ncube, yekurwisana ne inflation, ishaye basa.

Zimbabwe Energy Regulatory Authority yakakwidza mafuta nezvikamu gumi nezvipfumbamwe kubva muzana, kubva padhora rimwechete rekuAmerica parita, kuenda padhora nemasendi gumi nemapfumbamwe kutanga musi wa 05 Zvita, izvo zvinonzi nevakawanda zvichakanganisa gadziriro yavo yezororo reKisimusi neGoredzva, izvo zvadai kugogodza pamikova yavo.

Nyaya ina Jonga Kandemiiri
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG