Accessibility links

Breaking News

Kubva Zvavhurwa Mabhodha, Vanhu Makumi Mapfumbamwe Vobatwa neCovid-19 Vabva kuSouth Africa


Dare reparamende ku Cape Town, South Africa,
Dare reparamende ku Cape Town, South Africa,

Bazi rezvehutano rinoti vanhu zana nemumwe kana kuti 101 vakabatwa nechirwere cheCovid-19 nemusi weSvondo. Pavanhu ava, makumi mana nevatanhatu vakabatwa nechirwere ichi munyika vamwe makumi mashanu nevashanu vakabva nacho kuSouth Africa.

Kubva zvavhurwa miganhu yenyika musi wa 1 Zvita, vanhu makumu mapfumbamwe vakabva kuSouth Africa vakawanikwa vaine chirwere ichi munyika.

Vanhu vabatwa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira munyika vave zvuru gumi nemazana manomwe ane gumi nevasere. Vanhu vapora kubva kuchirwere ichi vave zvuru zvisere nemazana masere nemakumi masere kana kuti 8, 880 zvichitevera kupora kwevamwe vanhu makumi matatu nevatanhatu nezuro.

Vanhu vachiri kurwara vave churu chimwe chete nemazana mashanu nemakumi mana nevanomwe kana kuti 1, 547. Vanhu vafa vachiri mazana maviri nemakumi mapfumbamwe nemumwe kana kuti 291 uye nezuro hakuna akarasikirwa nehupenyu.

Zvichakadaro, mashoko atumirwa Studio 7 neAfrican Union achibva kuAfrica Centers for Disease Control and Prevention anoratidza kuti vanhu vanodarika mamiriyoni maviri nezvuru mazana maviri kana kuti 2, 2 million vabatwa nechirwere cheCovid-19 muAfrica.

Vanhu vafa vasvika zvuru makumi mashanu nezvitatu zvine mazana mashanu nemakumi mana nevatatu kana kuti 53, 543. Vapora vadarika miriyoni imwe chete nezvuru mazana mapfumbamwe kana kuti 1,9 million. South Africa ndiyo ine vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere ichi muAfrica.

Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere checoronavirus pasi rose hwadarika mamiriyoni makumi matanhatu nemanomwe kana kuti 67 million.

Johns Hopkins University yemuAmerica iyo iri kuongorora kupararira kwechirwere ichi pasi rose inoti muAmerica ndimo mune vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere ichi.

Vafa muAmerica vadarika zvuru mazana maviri nemakumi masere nemaviri kana kuti kuti 282, 000, vabatwa nechirwere ichi vachidarika mamiriyoni gumi nemana nezvuru mazana mashanu kana kuti 14, 5 million.

Pasi rose, vanhu vafa nechirwere ichi vanodarika miriyoni imwe chete nezviuru mazana mashanu kana kuti 1, 5 million. Asi vapora vachidarika mamiriyoni makumi mana nematatu kana kuti 43 million.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG