Sarudzo dzemakomiti epasi kana kuti District Coordinating Committees dziri kuenderera mberi mubato reZanu-PF kunyangwe hazvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka sezvo dzimwe nhengo dzebato iri dzabatwa nechirwere cheCovid-19 kusanganisira vanoona nezvekufambiswa kwemabasa VaObert Mpofu uye mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko VaTafadzwa Mugwadi vabatwa nechirwere cheCovid-19.
VaMugwadi vaudza Studio 7 kuti ichokwadi ivo naVaMpofu vari kunaya vari kumba muHarare.
Vamwe mubato vari kuchema chema kuti sarudzo hadzisi kufambiswa zvakanaka vamwe vachiti vari kurambidzwa kukwikwidza vamwe vachiti hakuna mapepa ekuvhota akakwana.
VaMugwadi vati semaziviro avo sarudzo dziri kufamba zvakanaka uye vose vane zvichemo vanofanira kuzvikwidza kuvakuru vebato. Sarudzo idzi dziri kutarisirwa kuenderera mberi neMuvhuro.
Facebook Forum