Hurumende dzeZimbabwe, Botswana neSouth Africa dziri kutarisirwa kusainirana chibvumirano chekuchengetedzwa kwemhuka dzesango dzinowanika munzvimbo yeGreater Mapungubwe Transfrontier Conservation Area mukutanga kwegore rinouya.
Vamwe vagari vekuPenhalonga mumusha weTsvingwe, kuOld West muMutasa South mudunhu reManicaland vari kuchema-chema nenyaya yekusvibisirwa mweya wavanofema zvichitevera mabasa ekucherwa kwegoridhe ari kuitwa kunharaunda iyi zviri kunze kwemutemo nemakorokoza.
Mashoko atichangotambira anoti mumwe wevatevedzeri vemutungamiri weMDC Alliance, VaTendai Biti, vasungwa nemapurisa vachipomerwa mhosva yekurova mumwe muzvinabhizimusi wechidzimai, Amai Tatiana Aleshina.
Huwandu hwevanhu vari kufa nechirwere cheCovid 19 munyika huri kuramba huchikwira panguva iyo huwandu hwevari kubatwa nechirwere ichi hwave kuitawo chamurambamhuru kukwira zvichitevera kufa kwevanhu vatatu pamwe nekuwanikwa kwevamwe zana nemakumi masere nemumwe, kana kuti 181 vaine chirwere ichi.
Varwiri vekodzero dzevanhu vanoti Zimbabwe inofanirwa kukoshesa kuremekedza kodzero dzevanhu kuti nyika painobuda mudambudziko reCovid-19 ive yadzidza kusimudzira hupenyu hwevanhu zvinova zvinozosimudzirawo nyika.
Vachitaura nemutori wenhau wenhepfenyuro yeCNN, Jack Tapper, VaBiden vakati vachaisa chikumbiro ichi kuzvizvarwa zveAmerica pavachatoreswa mhiko musi wa 20 Ndira gore rinouya.
Makanzura ese eguta reChitungwiza pamwe nevatori venhau vambosungwa pamahofisi ekazuru iyi apo makanzura ari pakati pekuita musangano.
Munyori mukuru mubazi rezvehutano, Air Commodore Jasper Chimedza, vanoti rubatsiro kubva kunyika nemasangano anopa rubatsiro ruri kudzikira uye hurumende inofanira kukoshesa hutano nekupa bazi ravo mari inokwana kutenga mishonga nemichina muzvipatara.
Bvunzo dzeGrade 7 dzatanga kunyorwa nhasi munyika paine vamwe vana vanyora vari pachavo vega nekuda kwechirwere cheCovid-19. nechirwere cheCovid-19.
Bato reZanu PF riri kuita sarudzo dzaro dzekutsvaga vachatungamira matunhu maduku, kana kuti District Coordinating Committee, DCC, neMugovera neSvondo uno, musi wa 5 na 6 Zvita.
Sangano rinomirira vashandi mubazi rezvekurima, reZimbabwe Agricultural Professionals and Technical Association (ZAPTA), rinoti hurumende yakazoita musangano naro uye zvichemo zvavo zvikatambirwa.
Basa rekununura vanhu vakadhirikirwa nemugodhi weRan Mine kuBindura rakambokanganiswa nemusi weChitau nemvura yakawanda iri kunaya munzvimbo iyi.
Rodhai zvimwe