Accessibility links

Breaking News

Mutewedzeri weMutungamiri weMDC Alliance, VaTendai Biti, Vanosungwa Vachipomerwa Mhosva Yekutuka Mumwe Mudzimai


Mutewedzeri wemutungamiri weMDC Alliance, VaTendai Biti vasungwa vachipomerwa mhosva yekurova mumwe mudzimai.

Mashoko atichangotambira anoti mumwe wevatevedzeri vemutungamiri weMDC Alliance, VaTendai Biti, vasungwa nemapurisa vachipomerwa mhosva yekurova mumwe muzvinabhizimusi wechidzimai, Amai Tatiana Aleshina.

Mutaururu weMDC Alliance, Muzvare Fadzai Mahere vaudza Studio 7 kuti VaBiti vari mumaoko emapurisa anoona nezvemutemo nekugadzikana, kana kuti Law and Order, uko vanonzi vachiri kubvunzurudzwa.

Muzvare Mahere vanoti VaBiti vari kunzi vakarova mudzimai uyu, asi magwaro emapurisa ekuvarovera mhosva, kana kuti charge sheet, ari kuti vakatuka mudzimai uyu mushure mekunge vaita kutaudzana vari panze pedare reHarare Magistrate Courts.

Hatina kukwanisa kubata mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi kuti tinzwe divi remapurisa panyaya iyi.

Takundikanawo kubata gweta raVaBiti, VaAlec Muchadehama sezvo nharembozha yavo yanga isiri kuita.

VaBiti vanotarisiorwa kumiswa pamberi pedare neMugovera.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG