Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokurudzirwa Kuremekedza Kodzero dzeVanhu


Hurumende iri kunzi iri kutyora kodzero dzevanhu ichishandisa Covid-19.
Hurumende iri kunzi iri kutyora kodzero dzevanhu ichishandisa Covid-19.

Varwiri vekodzero dzevanhu vanoti Zimbabwe inofanirwa kukoshesa kuremekedza kodzero dzevanhu kuti nyika painobuda mudambudziko reCovid-19 ive yadzidza kusimudzira hupenyu hwevanhu zvinova zvinozosimudzirawo nyika.

Mukuru wesangano reZimbabwe Human Rights Association VaDzikamai Bere vaudza Studio 7 kuti dambudziko reCovid -19 rakakonzera kutyorwa kwekodzero dzakawanda vakati zvakakosha kuti hurumende ichitsvaka nzira dzekuti kuremekedzwa kwekodzero idzi kuvandudzwe.

VaBere vatiwo zvinhu zvakadai senyaya dzehutano kusanganisira kugadzirisa zvipatara pamwe nekuona kuti vashandi vane zvekushandisa zvakakwana ndezvimwe zvinofanirwa kutarisiswa nehurumende zvogadziriswa.

Murwiri wekodzero dzevanhu, uye vari mukuru wesangano re Human Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga vatsigirawo kuti zvakakosha kuti hurumende itsvage nzira dzinotungamidza kodzero vachiti izvi zvikaitwa zvinomusimudzira hupenyu hweveruzhinji pamwe nekuvaka nyika.

VaOwen Dhliwayo vanoshanda nesangano rePlatform for Youth Development vatsigirawo vakati kunyangwe hazvo denda iri risati rapera, zvakakosha kuti nzira dzinoshandiswa nehurumende kudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 dzive nzira dzinoremekedza kodzero dzeveruzhinji.

Vachitaura nezuro pamhemberero dzezuva rekurekedzwa kwekodzero dzevanhu pasi rose, kana kuti International Human Rights Day, idzo dzakakokerwa nesangano reZimRights, mushandi mubazi rezvemabasa nevashandi kana kuti Public Service, Labour and Social Welfare, VaClifford Matorera, vakati hurumende yainge yaedza nepainogona napo kuchengetedza kodzero dzeveruzhinji, kusanganisira kubatsira vaishaya nekuvandudza zvipatara.

VaMatorera vakatiwo hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa ine tarisiro yekushanda nemunhu wese kusanganisira masangano akazvimiririra kusimudzira hupenyu hweveruzhinji.

Varwiri vekodzero vari kupomera hurumende mhosva yekushandisa denda reCovid-19 kutyora kodzero dzeveruzhinji kusanganisira kusavandudza zvipatara nekupa vashandi vezvehutano zvekushandisa zvakakwana.

Zvimwe zvinonyunyutwa zvinosanganisira kusungwa kwevanhu vanenge vachitsutsumwa nemafambisirwo ari kuitwa zvinhu munyika, kuputswa kwemisika kune vairarama nekutenga nekutengesa, kusapiwa kwevanotambura vese mari yainge yavimbiswa nehurumende uye kumanikidza veruzhinji kugara kudzimba vasina zvekudya zvakakwana.

Zuva reInternational Human Rights Day rinocherechedzwa musi wa10 Zvita gore roga roga pasi rose.

Nyaya ina Rutendo Mawere
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG