Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Yotarisira Kuita Sarudzo dzeDCC Mukupera kweSvondo


Dzimwe nhengo dzeZanu PF dzinonzi dziri kunyunyuta nemafambisirwo akaitwa sarudzo dzema primary dzinotarisira kuti dzeDCC dzichafamba zvakanaka.
Dzimwe nhengo dzeZanu PF dzinonzi dziri kunyunyuta nemafambisirwo akaitwa sarudzo dzema primary dzinotarisira kuti dzeDCC dzichafamba zvakanaka.

Bato reZanu PF riri kuita sarudzo dzaro dzekutsvaga vachatungamira matunhu maduku, kana kuti District Coordinating Committee, DCC, neMugovera neSvondo uno, musi wa 5 na 6 Zvita.

Izvi zviri kuuya kunyange hazvo sarudzo idzi dzichinzi nevamwe mubato iri dzakonzera kusawirirana kukuru, vachiti hadzisi kufambiswa zvakanaka kubva pakaitwa sarudzo dzekutsvaga vachakwikwidza, kana kuti primary election.

Sarudzo idzi dziri kuitwa mumatunhu masere chete sezvo mamwe matunhu maviri anoti Bulawayo neHarare akatita kare sarudzo mukutanga kwegore rino.

Munguva yakaitwa sarudzo dzekutsvaga vachakwikwidza, nhengo dzebato iri dzakarwisana mumatunhu akawanda dzichipomerana mhosva dzakasiyanasiyana, dzinosanganisira kutenga mavhoti, kutyisidzirana pamwe nekuiswa kwevanhu vasina kusarudzwa.

Izvi zvakaita kuti vamwe varambidzwe kukwikwidza vachinzi vaidyidzana nechikwata che G40.

Semuenzaniso, mudunhu reMashonaland East, vaimbove mumiriri weGoromonzi West muparamende, Amai Beatrice Nyamupinga, pamwe naVaLawrence Katsiru ndevamwe venhengo dzeZanu PF dzinonzi dzakarambidzwa kukwikwidza.

Dunhu reKwekwe ndekumwe kwenzvimbo dzinonzi dzakave nekurwisana kunotyisa mushure mekunge dzimwe nhengo dzapomera hutungamiri hwaiona nezvekuitwa kwesarudzo dzema primary mhosva yekupinza vanhu vadzisina kusarudza.

Sarudzo idzi dziri kuuyawo panguva iyo hurumende yakazivisa kuti huwandu hwevanhu vanpobvumidzwa kuungana kwaderedzwa kusvika pazana senzira yekuderedza kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Nhengo yevechidiki mubato reZanu PF, VaAlex Gakanje, vanoti sarudzo idzi dzakakosha zvikuru sezvo dzichisimbisa musangano wavo uyewo kubatanidza bato nenhengo dzaro kubva pasi.

VaGakanje vanotiwo mashoko ekuti kune nhengo dzebati dziri kunyunyuta zvinhu zvinotarisirwa mumusangano une hutongo hwejekerere.

Asi vanoongorora zvematongerwo enyika vachitungamira sangano reCentre for Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu, vanoti sarudzo dzeDCC idzi hadzina zvadzinobatsira nazvo kunyika.

VaMaguwu vanoti kusagadzikana kuri kubuda mumusangano uri kutonga uyu kwakaburitswa nesarudzo idzi ndiwo mucherechedzo wemafambisirwo esarudzo kunyange neboka rezvesarudzo reZimbabwe Electoral Commission, ZEC.

Hurukuro naVaFarai Maguwu pamwe naVaAlex Gakanje
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG