Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe, Botswana neSouth Africa Dzotarisira Kusainirana Chibvumirano Chekuchengetedzwa kweMhuka


Nyika nhatu idzi dzinodyidzana pakuchengetwa kwemhuka dziri muGreater Mapungubwe Transfrontier Conservation Area.
Nyika nhatu idzi dzinodyidzana pakuchengetwa kwemhuka dziri muGreater Mapungubwe Transfrontier Conservation Area.

Hurumende dzeZimbabwe, Botswana neSouth Africa dziri kutarisirwa kusainirana chibvumirano chekuchengetedzwa kwemhuka dzesango dzinowanika munzvimbo yeGreater Mapungubwe Transfrontier Conservation Area mukutanga kwegore rinouya.

Greater Mapungubwe Transfrontier Conservation Area inzvimbo yakakura chinhambwe chemakiromita zviuru zvishanu zvine mazana mapfumbamwe nemapfumbabwe uye ine nzvimbo dzinoyevedza kumativi eZimbabwe, Botswana neSouth Africa.

Nokuda kwekuyevedza kwenzvimbo iyi, nyika nhatu idzi dzave kuita mushandirapamwe mukuchengetedza mhuka dzesango dzinowanika munzvimbo iyi dzinosanganisira shumba, nzou, ingwe uye matindingwe.

Vachitaura mudare reparamende reBotswana nhasi, vakafanobata chigaro chegurukota rezvezviwanikwa (environment) nekuchengetedzwa kwemhuka dzesango munyika iyi, VaMachana Shamukuni, vazivisa kuti nyika nhatu idzi dziri kutarisirwa kusainirana chibvumirano ichi gore rinouya.

Nyanzvi munyaya dzekuchengetedzwa kwemhuka dzesango uye vari mumiriri wenzvimbo iyi kudivi reBotswana, VaKgoberego Nkawana, vaudza Studio7 kuti nzvimbo iyi inodiwa nevashanyi vakawanda izvo zvichaita kuti nyika idzi dzikwanise kuwana mari.

VaNkawana vaenderera mberi vachiti nzvimbo iyi inokwanisa kuunza mari inosvika kubhiriyoni rimwe chete remadhora ekuAmerica iyo ichagovaniwa nenyika nhatu idzi.

Hurongwa uhu hunofanana nehurongwa hweKavango-Zambezi kana kuti KAZA Transfrontier Conservation Area hwuri pakati peZimbabwe, Botswana, Angola, Namibia neSouth Africa uhwo hunobvumidza kuti vashanyi vekunyika dzekumawirira vakwanise kubvakachira nyika shanu idzi nevisa rimwe chete.

Muridzi weTapinda Lodge iyo iri muguta reBobonong iro riri mukati meMapungubwe Transfrontier Conservation Area, VaInnocent Maphosa vanoti hurongwa uhwu hungasimudzira kwazvo varidzi venzvimbo dzinogara vanhu pamwe nemahotera, avo vange votarisana nenguva yakaoma zvikuru nokuda kwedenda reCOVID-19.

Nyanzvi munyaya dzekushanyirwa kwenyika uye vachidzidzisa zvidzidzo zve Hotel and Catering pachikoro chikuru cheFrancistown College of Technical and Vocational Education, VaTichaona Chikodzi vaudza Studio7 kuti Zimbabwe ndiyo iri kutarisirwa kudya pahombe kuburikidza nehurongwa uhu.

MunaChikunguru wegore ra2003, nzvimbo iyi yeMapungubwe yakakomekedzwa senzvimbo inoyewedza samare kana kuti World Heritage Site nesangano repasi rose reUnited Nations.

Nyaya ina Shingirai Madondo
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG