Accessibility links

Breaking News

Kucherwa kweGoridhe Zviri Kunze kweMutemo kuPenhalonga Kwokanganisa Magariro eDunhu iri


Kucherwa kwegoridhe zviri kunze kwemutemo kuPenhalonga kunonzi kwakonzera matambudziko mune zvehupfumi pamwe nekuunza chipfambi nehumbavha.
Kucherwa kwegoridhe zviri kunze kwemutemo kuPenhalonga kunonzi kwakonzera matambudziko mune zvehupfumi pamwe nekuunza chipfambi nehumbavha.

Vamwe vagari vekuPenhalonga mumusha weTsvingwe, kuOld West muMutasa South mudunhu reManicaland vari kuchema-chema nenyaya yekusvibisirwa mweya wavanofema zvichitevera mabasa ekucherwa kwegoridhe ari kuitwa kunharaunda iyi zviri kunze kwemutemo nemakorokoza.

Vagari ava vanoti zvakare mvura yavo yemurwizi Mutare haichashandisiki nekuda kwemadhaka ayinawo uye mishonga irimo inoshandiswa pakuchenesa goridhe. Vanotiwo chipfambi chatekeshera zvakare munharaunda yavo pamwe nekuparwa kwedzimhosva.

VaWeston Makoni mugari wekuPenhalonga uye vari sachigaro wekomiti yevagari vekunharaunda iyi. VaMakoni vanochema nenyaya yekuti kubva pakamira kambani yeRedwing kuchera goridhe zviri pamutemo, makorokoza ave kuita basa iri ari kukanganisa nharaunda nekusiya makomba, kusvibisa mvura, uye nemweya wekufema.

VaMakoni vanotiwo nyaya dzehumbavha nedzechipfambi dzawedzera munzvimbo yavo zvichitevera kuwanda kwaita makorokoza aya uye nevatengi vegoridhe.

“Vanhu vose vari kuchera gold vanenge vaine maU.S. dollar, saka vave kuona kuti tave kutowana usiku mari yemaU.S. dollar, saka vose vakumhanyira kuno vachiti kuPenhalonga kune foreign currency saka zvadaro zvakare mbavha dziri kuuya zvakare vachibira avo vane mari muhomwe semaGweja aya vachiba kunyangwe nemudzimba vari kupinda, munguva yapfuura pane vakabatwa vaba mumba vapinda vakaba ma-TV, mibhedha nezvimwe zvakadaro.”

VaMakoni vanoti kunyangwe vakaedza kutaura nevesangano rinoona nezvekuchengetedzwa kwezviwanikwa nezvakatikomberedza, veEnvironmental Management Agency, EMA, hapana chakabuda.

VaKingstone Chitombe mukuru weEMA mudunhu reManicaland vange vasiri kudavira runhare rwavo kuti tinzwe divi ravo pamusoro penyaya iyi.

Amai Tsverukai Duwa mumwe mugari wenharaunda iyi uye vanoti pavaikura havana kumbosangana nenhamo yavepo pari zvino zvichitevera huruva iri kupwititidzwa zuva nezuva nevacheri vegoridhe ava izvo zvopinza vagari munjodzi yezvirwere zvinokonzerwa nekufema mweya wakasviba.

Amai Josephine Musiyazviriyo vanobvumirana navaDuwa panyaya. Vanoti ivo kutangwa kwakaitwa kucherwa kwegoridhe nemakorokoza kwaunza zvakare vanhu vakawandisa munzvimbo yavo nevamwe vekure kure.

“Redwing Mine yange iri nzvimbo yakanaka asi iye zvino zvasiyana. Mukatarisa izvezvi paive nemiti uye nema lawn kutenderedza kuitirira kuti dust risasumuka, sakaizvezvi chanyanya kunetsa pamwe inyaya yema resources onetsa kuti vatadze kudzivirira dust riri kusimuka zvopa kuti tifeme mweya une dust totyira zvakare zvirwere, nekuti rinosimuka zvakanyanya kusvika kunana Africa University, even miriwo yedu inenge iri ye brown ne dust irori.”

VaGeorge Miti ndivo mukuru anoona nekugara zvakanaka kwevana vepachikoro chepamusorosooro cheAfrica University, icho chiri kukanganiswawo zvakare nekucherwa kuri kuitwa goridhe uku. VaMiti vanoti kucherwa kuri kuitwa chicherwa ichi kwave kukanganisa mafambisirirwo emabasa ekurima pachikoro pavo zvakare nekugara kwakanaka kwevana vavo sezvo vacheri ava vave kutopinda nemuyadhi yechikoro chavo.

“Izvezvi nzvimbo inenge ichimainiwa inenge iri nzvimbo yechikoro, inozosara makomba zvokonzera kuti munenge musisiri safe pakuzofamba uye zvokonzera zvakare mavanga munharaunda kana kuti environmental degradation pamwechete nekuti mvura zvakare kana paine ma chemicals anoshandiswa mvura inenge isisiri safe kushandisa isu kuminda yedu yemadiridzo.”

Mumiriri weMutasa South mudare reparamende VaRegai Tsunga vanoti vakaudzwa nezvedambudziko iri nevagari uye nemukuru wechikoro cheAfrica University VaMunashe Furusa. Vanoti vachagara pasi nevakuru vehurumende kubazi redzidzo yepamusoro, rekucherwa kwezviwanikwa, naMudzviti vedunhu reMutasa vaGeorge Bandure uye negurukota rinomirira dunhu reManicaland Amai Ellen Gwaradzimba kuti vaone kuti pamwechete vangagadzirisa seyi nyaya iyi.

“Vice Chancellor vepaAfrica University vakandinyorera vachinyunyuta nemashandiro ari kuita zve-illegal mining iri kuitika around Africa University vachiti makomba avo ari kukanganisa zvivakwa zvavo sezvo mamwe ma-tunnels ave kuuya kumadziro uyezve makomba aya ane njodzi pakuti ari kusiyiwa akadaro kana vapedza kuchera, so zvichaita kuti vana vechikoro vanogona kukuvara uye kuti mvura payonaya mosquito dzotanga ku-breeder nekuti zvakare ivhu ririkucherwa richakukurwa rwizi rwozara jecha.”

Nyanzvi munyaya dzezvehutano VaIsaac Tomu vaudza Studio 7 kuti kazhinji pakucherwa kwegoridhe panoshandiswa mishonga yakaita se Mercury, iyo inoti ikaiswa mumvura inokanganisa hutano hwevanhu uye nezvipfuyo. Vanoti vanhu vanokwanisa kurwara negomarara, uye huruva ichikonzeresa rurindi, kana kuti TB.

Kudzimara munyika magadzikana munyaya dzezvehupfumi vanhu vachiwana mabasa mumakambani akanga avharwa, mabasa echikorokoza acharamba achienderera mberi munyika mose sezvo vanhu vanenge vachitsvaga chouviri kuti vararamise mhuri dzavo.

Nyaya ina Loirdham Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG