Accessibility links

Breaking News

Makanzura Ose eChitungwza Ombosungwa neMapurisa Pamwe neVatori Venhau


Rimwe gweta remakanzura aya VaJob Sikhal
Rimwe gweta remakanzura aya VaJob Sikhal

Makanzura ese eguta reChitungwiza pamwe nevatori venhau vambosungwa pamahofisi ekazuru iyi apo makanzura ari pakati pekuita musangano.

Gweta range richiririra makanzura aya VaJob Sikhala vati makanzura mazhinji azoregerwa asi vamwe vashanu vachiri mumaoko emapurisa.

Zvinonzi mapurisa anga akapakatira zvombo asvika pamahofisi ekanzuru iyi ndokusunga makanzuru aya asina kuvapa chikonzero.

Mumwe wemakunzura aya, VaTumai Fungai Magadzire avo vanomirira Ward 16 muChitungwiza makare vaudza Studio 7 varchiri kukamba yemapurisa yeSt Mary’s kuti havasi kuziva chikonzero chaita kuti vasungwe.

Pasungwa makanzura aya panga paine vatori venhau vashanu vanoti Phillimon Jambaya, Audrey Galawu, Cleopatra Mapfumo, Christine Hlengani, naElma Sekete.

Jambaya audza Studio 7 kuti iye nevamwe vake vanga vachiitawo basa ravo pavasungwa. Mukuru musangano rinorwira kodzero dzevatapi venhau reMisa Zimbabwe, VaTabani Moyo, vashora kusungwa kwaitwa vatori venhau ava vari pabasa.

Makanzura aya pamwe nevatori venhau ava vazoendeswaa kukamba yeHarare Central kuCommercial Crimes Unit.

Mutauriri wemapurisa, VaPaul Nyathi, vati havakwanise kutaura nezvenyaya iyi vachiti vanga vasati vatambira mashoko akakwana nezvenyaya iyi.

Zvichakadai, vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano reChitungwiza Residents Trust, Muzvare Alice Kuvheya, vashora kusungwa kwemakanzura edhorobha ravo vachiti zvinodzosera nyaya yebudiriro kumashure.

Mukuru weSpecial Anti Corruption Unit, VaTabani Moyo, vaudza bepanhau reHerald kuti vasungawo mukuru anoona nezvemari mukanzuru yeHarare, VaTendai Kwenda, vachisungirwa nyaya yehuori.

Zvinonzi VaKwenda vakasaina magwaro akaita kuti kanzuru yeHarare irasikirwe nemari inoita mamiriyoni masere emadhora ekuAmerica iyo yakashandiswa munzendo, kutengwa kwemotokari pamwe nekuenda kumazororo kwevamwe vakuru-vakuru mukanzuru kubva muna 2014 kusvika 2015.

Vachipawo pfungwa dzavo, mutungamiri wesangano reHarare Residents Trust VaPrecious Shumba vati kunyange hazvo kurwisa huori chiri chinhu chakanaka, kusungwa kuri kuitwa makanzura eMDC mumaguta akawanda vamwe vari kuita huori vari muhurumende vasingasungwe kunoburitsa pachena kuti makanzura aya ave kungosungwa zvine chekuita nezvematongerwo enyika.

Vamwe vakasungwa munguva pfupi yadarika vanosanganisira vaimbova meya weHarare, VaHerbert Gomba, meya weHarare parizvino VaJacob Mafume avo vari muchizarira, maabharani wekanzuru yeHarare VaHosia Chisango, mukuru anoona nezvedzimba mukanzuru

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG