Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vatatu Vanoshaya neCovid-19, Vamwe Zana neMakumi Masere neMumwe Vachibatwa Chirwere Ichi


Makambani anogadzira mishonga ane chitsama anonzi akazivisa kuti ave nenhomba inokwanisa kumisa kupararira kwehutachiwana hunokonzera Covid-19.
Makambani anogadzira mishonga ane chitsama anonzi akazivisa kuti ave nenhomba inokwanisa kumisa kupararira kwehutachiwana hunokonzera Covid-19.

Huwandu hwevanhu vari kufa nechirwere cheCovid 19 munyika huri kuramba huchikwira panguva iyo huwandu hwevari kubatwa nechirwere ichi hwave kuitawo chamurambamhuru kukwira zvichitevera kufa kwevanhu vatatu pamwe nekuwanikwa kwevamwe zana nemakumi masere nemumwe, kana kuti 181 vaine chirwere ichi nemusi weChina.

Bazi rezvehutano rakazivisa kuti vanhu vaviri vakafa mudunhu reBulawayo, kuchiti mumwe chete achifawo kudunhu reManicaland.

Pavanhu zana nemakumi masere nemumwe vakawanikwa vaine Covid-19, zana nemakumi manomwe nevasere, kana kuti 178, vanhu vagara vari munyika, kuchitiwo vatatu vari vanhu vakadzoka kubva kuAlgeria.

kubatwa kwevanhu ava neCovid-19 kwakakwidza huwandu hwevanhu vachiri kurwana kusvika pachiuru nemazana maviri nemakumi mapfumbamwe nevashanu, kana kuti 1 295.

Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi nyika yose kusvika nemusi weChina hwakanga hwave zviuru gumi nemazana mana nemakumi maviri nevana, kana kuti 10 424, uye vanhu vapona kubva kuchirwere ichi vasvika pazviuru zvisere nemazana manomwe nemakumi mashanu nevana, kana kuti 8 754.

Huwandu hwevari kubatwa neCovid-19 huri kuuya panguva iyo zvikoro zvakawanda munyika zviri kuvharwa nekuda kwevana vanenge vawanikwa vaine chirwere ichi, izvo zvinonzi nyanzvi yezvehutano VaFrenk Guni, zvichakonzera dambudziko hombe rekutevera vanenge vakasanganikwa navo nevana ava, kana kuti contact tracing.

VaGuni, vanoti hurumende inenge yakakurumidza kumedza kutsenga ichada pakutora kwayo danho rekuti zvikoro zvivhurwe sezvo pasiri kuonekwa kana paine kugadzirira kuzere pakurwisana nematambudziko asimuka muzvikoro kusvika pari nhasi aya.

Hurukuro naVaFrenk Guni
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG