Chikwata cheFC Platinum chatambidzwa mukana wekutanga chiri pamusha neSimba Stars yekuTanzania mumitambo miviri yekuumisira munzira yekupinda mumagungano eCaf Champions League kana kuti mini league.
Vakasarudzwa kutungamira nyika yeAmerica kutanga musi wa20 Ndira, vaJoe Biden vebato remaDemocrats vari kutarisirwa mangwana kudoma vaive gweta guru redunhu reCalifornia vaXavier Becerra kuti vave gurukota ravo rezvehutano.
Munyori mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, neMuvhiro vakakumbira nhengo dzeparamende kuti dzitaure nebazi rezvemari
Mutori wenhau weZBC, Janet Munyaka, uyo akauraiwa nechirwere cheCovid-19 aradzikwa kuGlen Forest muHarare neMuvhuro asi masangano anomirira vatori venhau achikurudzira kuti vemakambani anoita nezvekuburitswa kwenhau vatore matanho akasimba kudzivirira vatori venhau mukutapurirwa chirwere ichi.
Bazi rezvehutano rinoti vanhu zana nemumwe kana kuti 101 vakabatwa nechirwere cheCovid-19 nezuro. Pavanhu ava, makumi mana nevatanhatu vakabatwa nechirwere ichi munyika vamwe makumi mashanu nevashanu vakabva nacho kuSouth Africa.
Sarudzo dzemakomiti epasi kana kuti District Coordinating Committees dziri kuenderera mberi mubato reZanu-PF kunyangwe hazvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka sezvo dzimwe nhengo dzebato iri dzabatwa nechirwere cheCovid-19
Zviuru nezviuru zvevatsigiri veMDC Alliance zvakaunganana nezuro kwaChiwara kwaGutu kuMasvingo kunyaradzo yaAmai wemutungamiri webato iri VaNelson Chamisa, avo vakashaya musi wa 6 Chikunguru gore rino mushure mekurwara kwenguva pfupi pfupi
Bazi rezvehutano rinoti mumwe munhu mumwe chete akashaya nechirwere cheCovid-19 nezuro kuManicaland zvichireva kuti vanhu vafa nechirwere ichi kusvika parizvino vave mazana maviri nemakumi masere nemumwe kana kuti 281.
Sarudzo yenhengo dzeDistric Coordinating Committee dzebato reZanu PF mudunhu reMidlands kwanonoka kutanga nekuda kwezvimhingamupinyi zvinosanganisira kunaya kwemvura yakawanda mune dzimwe nzvimbo.
Mumwe wevatevedzeri vemutungamiriri weMDC Alliance, VaTendai Biti, vabhadhariswa zviuru gumi zvemadhora emuZimbabwe semari yechibatiso kuti vatongwe vachibva kumba panyaya yavari kupomerwa yekurova mumwe mudzimai.
Sarudzo dzemusangano weZanu PF kuno kuManicaland dzekutsvaga vachange vari nhengo dzeDistrict Coordinating Committee, DCC, dziri kunetsa kubatanidza nekuda kwekushomeka kwemapepa ekuvhotesa, ayo anonzi mashoma.
Hurumende dzeZimbabwe, Botswana neSouth Africa dziri kutarisirwa kusainirana chibvumirano chekuchengetedzwa kwemhuka dzesango dzinowanika munzvimbo yeGreater Mapungubwe Transfrontier Conservation Area mukutanga kwegore rinouya.
Rodhai zvimwe