Accessibility links

Breaking News

Vanhu Gumi Kusanganisira Mutori weNhau weZBC Vofa neCovid-19


Bazi rezvehutano rinoti vanhu gumi vakashaya nechirwere cheCovid-19 neMugovera kusanganisirawo mutori wenhau weZBC Janet Munyaka akashaya mushure mekugara muchipatara che St Annes muHarare kwevhiki rimwe chete.

Munyaka ange ave nemakore makumi mana nemasere ekuberekwa uye asiya murume, VaJackson Munyaka nevana vana.

Mufi akatanga kushandira ZBC muna 2000 mushure mekupedza zvidzo zvekutora nhau paHarare Polytechnic College.

Janet ange achifanirwa kupihwa chitupa chekupeta zvidzidzo zvepamusoro kana kuti Masters Degree in International Relations kuUniversity of Zimbabwe nemusi weChishanu asi haana kukwanisa kuenda nekuda kwehurwere.

Munyaka mutori wenhau wechipiri kushaya nechirwere ichi mushure mekufa kwaZororo Makamba.

Munyori mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko VaNick Mangawana vaudza Studio 7 kuti Janet akawarwa nechirwere cheCovid-19 uye nyika yarasikirwa zvikuru nerufu urwu sezvo ari munhu aiita basa rake nemazvo.

Pavanhu gumi vakashaya neMugovera neCovid-19 ava, vapfumbamwe vari muHarare uye mumwe chete ari kuBulawayo.

Izvi zvinoreva kuti vanhu vafa kusvika parizvino vave mazana maviri nemakumi mapfumbamwe nemumwe kana kuti 291. Vanhu makumi manomwe kana kuti 70 vakabatwa nechirwere ichi neMugovera. Pavanhu ava, makumi mashanu vakabatwa nacho munyika makumi maviri vakachibatira kuSouth Africa.

Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi kubva zvachatanga hwave zvuru gumi nemazana matanhatu ane gumi nevanomwe kana kuti 10, 617.

Vanhu vapora kubva kuchirwere ichi vave zvuru zvisere nemazana masere nevana kana kuti 8 884 mushure mekunge vamwe vanhu makumi mana nevatanhatu vapora kubva kuchirwere ichi nezuro.

Vanhu vachiri kurwara churu chimwe chete chine mazana mana nemakumi masere nevaviri kana kuti 1, 482.

Zvichakadaro, mashoko atumirwa Studio 7 neAfrican Union achibva kuAfrica Centers for Disease Control and Prevention anoratidza kuti vanhu vanodarika mamiriyoni maviri nezvuru mazana maviri kana kuti 2, 2 million vabatwa nechirwere cheCovid-19 muAfrica.

Vanhu vafa vasvika zvuru makumi mashanu nezvitatu zvine mazana mashanu nemakumi mana nevatatu kana kuti 53, 543. Vapora vadarika miriyoni imwe chete nezvuru mazana mapfumbamwe kana kuti 1,9 million. South Africa ndiyo ine vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere ichi muAfrica.

Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere checoronavirus pasi rose hwadarika mamiriyoni makumi matanhatu nematanhatu ane zviuru mazana matanhatu kana kuti 66, 6 million.

Johns Hopkins University yemuAmerica iyo iri kuongorora kupararira kwechirwere ichi pasi rose inoti muAmerica ndimo mune vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere ichi.

Vafa muAmerica vadarika zvuru mazana maviri nemakumi masere nechimwe kana kuti kuti 281, 000, vabatwa nechirwere ichi vachidarika mamiriyoni gumi nemana nezvuru mazana mashanu kana kuti 14, 5 million.

Pasi rose, vanhu vafa nechirwere ichi vanodarika miriyoni imwe chete nezviuru mazana mashanu kana kuti 1, 5 million. Asi vapora vachidarika mamiriyoni makumi mana nemaviri ane zviuru mazana mapfumbamwe kana kuti 42, 9 million.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG