Accessibility links

Breaking News

Mumwe Mutewedzeri weMutungamiri weMDC Alliance, VaTendai Biti, Vanobvisiswa Mari yeChibatiso


Mutevedzeri weMDC Alliance, VaTendai Biti

Mumwe wevatevedzeri vemutungamiriri weMDC Alliance, VaTendai Biti, vabhadhariswa zviuru gumi zvemadhora emuZimbabwe semari yechibatiso kuti vatongwe vachibva kumba panyaya yavari kupomerwa yekurova mumwe mudzimai.

VaBiti vari kupomerwa mhosva yekurova Amai Tatiana Aleshina vekuRussia muHarare svondo rapfuura.

Mutongi wedare Amai Vongai Muchuchuti vati VaBiti vagare pakero yavakapa kudare uye havafaniri kupindira pakuferefetwa kwenyaya iyi.

Vachuchisi panyaya iyi havana kupikisa kuti VaBiti vabhadhare mari yechibatiso uye vanzi vadzoke kudare musi wa18 Ndira gore rinouya apo pachatanga kunzikwa nyaya yavo.

Gweta raVaBiti, VaAlec Muchadehama, vaudza dare kuti VaBiti havana mufaro nemasungirwo avakaitwa uyewo vaigona kubatwa neCovid- 19 nekuti pavakasungirwa paHarare Central Police Station hapana kana maSanitiser, ma mask nezvimwe zvinodzivirira denda reCovid 19.

Pazvichemo zvavo, VaBiti vanotiwo vakanyimwa chikafu uye segweta, nhengo yeparamende nemhunhu ane mukurumbira, hazvaikodzera kuti vadzikisirwe pasi nemabatirwo avakaitwa nemapurisa.

Dare rati nyaya yaVaBiti inofanira kuongororwa uye zvinenge zvabuda muongororo iyi zvounzwa kudare musi wa18 Ndira gore rinouya.

Zvichakadai, mutauriri weMDC Alliance, Muzvare Fadzayi Mahere, vati kunyange hazvo VaBiti vabhadhariswa mari yechibatiso, havasi kufara nemabatirwo avakaitwa nemapurisa.

Mune imwewo nyaya, mumwe mushandi mukuru wekanzuru yeHarare, VaKainos Chingombe, avo vakasungwa nezuro vachipomerwa mhosva yekusashandisa mahofisi avo zvakanaka apo vakatenga motokari yaidhura zvakanyanya, vanzi nedare vadzoke nemuvhuro.

Gweta ravo, Muzvinafundo Lovemore Madhuku, vati VaChingombe vanoramba mhosva dzavari kupomerwa.

Mune imwezve nyaya, mutungamiri webato rinopikisa reMDC Alliance, VaNelson Chamisa, varangarira Amai vavo, avo vakashaya nguva pfupi yapfuura.

Nyaradzo iyi yaitirwa kumusha kwavo kuGutu South mudunhu reMasvingo.

Nyaya ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG