Accessibility links

Breaking News

Zvuru zveVanhu Zvoenda Kunyaradzo yaAmbuya Chamisa kwaGutu


Amai vaVaNelson Chamisa avo vakashaya muna Chikumi vorangarirwa

Zviuru nezviuru zvevatsigiri veMDC Alliance zvakaunganana neMugovera kwaChiwara kwaGutu kuMasvingo kunyaradzo yaAmai wemutungamiri webato iri VaNelson Chamisa, avo vakashaya musi wa 6 Chikunguru gore rino mushure mekurwara kwenguva pfupi pfupi. Amai Chamisa vakaberekwa musi wa 15 Chikumu 1954.

Vaitungamira hurongwa uhu ndevanoona nezvekurongwa kwemabasa muMDC Alliance VaAmos Chibaya.

VaChamisa vakatenda zvikuru vanhu vakauya panyaradzo iyi vachirangarirawo mashoko aitaurwa namushakabvu vachiti amai vavo vakavaendesa kuchikoro nekutengesa muriwo, huku nezvimwe.

Vakaudzawo vanhu kuti dzimwe hama dzavo sasekuru vavo vakamboshungurudzwa nekuda kwehukama navo.

Vakatiwo kuungana kwakaita vanhu panyaradzo iyi munonedzo wekuti bato ravo richiri rakasimba zvikuru. Panyaya yekuti vari kunzi vanyarara zvakanyanya nyika ichibvira, VaChamisa vakati havangade kukurumidza kumedza kutsenga kuchada vachitiwo nhengo dzebato ravo dziri kushungurudzwa zvakanyanya nehurumende.

Asi vebato riri kutonga reZanu-PF vanoti havatongi vachitarisa kuti wabuda mumba maani.

Vanhu vainge vakaungana ava vaifadzwa nenziyo dzebato ravo dzaiimbwa nevaimbi vakasiya siyana kusanganisira VaPaul Madzore.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG