Mutambi wemuZimbabwe Tino Kadewere akwidza chikwata chake cheLyon pamusoro petafura yeFrench Lique 1.
Nhengo mazana mashanu nemakumi matatu nemasere kana kuti 538 dzedare rinozivikanwa nekuti Electoral College dzatanga kuvhota nhasi kuti dzisarudze zviri pamutemo vakasarudzwa kutungamira nyika yeAmerica VaJoe Biden vebato remaDemocrats.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kuMozambique nevamwe vatungamiri venyika dzemuSADC mukuyeza kurovana masoro panyaya yehondo iri munyika iyi.
Vakasarudzwa kutungamira nyika yeAmerica VaJoe Biden vebato remaDemocrats vari kutarisirwa nhasi kudomwa zviri pamutemo nematunhu ose pachasangana vamiriri vematunhu aya kumatare avo vachiumba inonzi Electoral College.
Bazi rezvehutano rinoti vanhu makumi maviri nevanomwe kana kuti 27 vakabatwa nechirwere cheCovid-19 munyika nemusi weSvondo
Bazi rezvehutano rinoti munhu mumwe chete akafa nemusi weMugovera kuBulawayo nechirwere cheCovid-19 zvasiya vanhu vafa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira munyika vave mazana matatu nevanomwe kana kuti 307.
Vamwe vagari vemuHarare vasingaone vapa chikumbiro kukanzuru yeguta iri chekuti vawane mashoko pamusoro pezvirongwa zvainoita.
Vamwe vanhu vakapwanyirwa dzimba kuBudiriro vari kuramba kutambira kurudziro yehurumende yekuti vaende kunogara mumatende kuZimbabwe Grounds.
Mumwe wevakuru vemhuri yeVaShona iyi, VaOliver Muregerera, vanoti mumhuri ine vabereki vakabva kuZimbabwe kare kare iyi mune mufaro usiri kutambirika, sezvo vapiwa magwaro aya vasina kunge vachizvifungira.
Vatori venhau vasangana nhasi muHarare vakaita chisungo chekuti munhu anofanira kudzidzira basa rekutapa nhau asati atanga kuita basa iri sezviri kuitika pari zvino, senzira yekudzivirira kushambadzwa kwenhau dzekunyepa.
Dare repamusorosoro remuAmerica, reSupreme Court, neChishanu rakarasa nyaya yakanga ichitsigirwa nemutungamiri wenyika VaDonald Trump yekuti dare rirase zvakabuda musarudzo yemutungamiri wenyika, izvo zvakaratidza kuti VaJoe Biden ndivo vakakunda.
Nhengo dzevechidiki idzi dzinoti dzichamira semusambangwena kudzivirira mahofisi kuti asatorwe neMDC-T yaMuzvare Khupe vachiti mahofisi ari mumaoko evechidiki pari zvino.
Rodhai zvimwe