Accessibility links

Breaking News

Huwandu hweVanhu Vari Kufa neCovid-19 Hworamba Huchiwedzera


Bazi rezvehutano rinoti munhu mumwe chete akafa nemusi weMugovera kuBulawayo nechirwere cheCovid-19 zvasiya vanhu vafa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira munyika vave mazana matatu nevanomwe kana kuti 307.

NeMugovera wakare vamwe vanhu makumi mashanu nevanomwe kana kuti 57 vakabatwa nechirwere ichi.

Vanhu ava kunze kwemumwe chete akabva nacho kuMozambique vakachitapurirwa munharaunda vakawanda vacho vari kubulawayo nemasvingo.

Vanhu vabatwa nechirwere ichi kusvika parizvino vave zvuru gumi nechimwe chete nemazana maviri ane gumi nevapfumbamwe kana kuti 11, 219. Vanhu vapora vave zvuru zvipfumbamwe zvine mazana matatu nemakumi mashanu nevapfumbamwe kana kuti 9359 mushure mekunge vanhu makumi matatu nevashanu vapora kubulawayo.

Vanhu vachiri kurwara churu nemazana mashanu ane makumi mashanu nevatatu kana kuti 1, 553. Vanhu vachiri kukatyamadzwa nemashoko akabuda svondo rapera kuti pane mazuva akafa vanhu gumi uye vamwe vapfumbamwe.

Asi nyanzvi munyaya dzezvehutano uye vakambotungamira chipatara chechitungwiza hopdital Dr Enoch Mayida vanoti vamwe vanhu ava vakange vafa kare kunyangwe zvakabuda mukuvhenekwa kwavo zvakazoratidza kuti iCovid-19.

Hurukuro naDr Eoch Mayida
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, mashoko atumirwa Studio 7 neAfrican Union achibva kuAfrica Centers for Disease Control and Prevention anoratidza kuti vanhu vanodarika mamiriyoni maviri nezvuru mazana matatu kana kuti 2, 3 million vabatwa nechirwere checovid-19 muafrica.

Vanhu vafa vasvika zvuru makumi mashanu nemashanu zvine mazana mapfumbamwe ane makumi masere nevapfumbamawe kana kuti 55,989

Vapora vadarika mamiriyoni maviri kana kuti 2 million. South Africa ndiyo ine vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere ichi muAfrica.

Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere checoronavirus pasi rose hwadarika mamiriyoni makumi manomwe nechimwe ane zviuru mazana masere kana kuti 71, 8 million.

Johns Hopkins University yemuAmerica iyo iri kuongorora kupararira kwechirwere ichi pasi rose inoti muAmerica ndimo mune vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere ichi.

Vafa muAmerica vanodarika zviuru mazana maviri nemakumi mapfumbamwe nemanomwe ane mazana masere kana kuti 297, 800, vabatwa nechirwere ichi vachidarika mamiriyoni gumi nematanhatu kana kuti 16 million.

Pasi rose vanhu vafa nechirwere ichi vanodarika miriyoni imwe chete nezviuru mazana matanhatu kana kuti 1, 6 million. Asi vapora vachidarika mamiriyoni makumi mana nematanhatu ane zvuru mazana mapfumbamwe kana kuti 46, 9 million.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG