Dare ramejasitiriti ranyima meya weHarare, VaJacob Mafume, mukana wekubhadhara mari yechibatiso pamhosva yavari kupomerwa yekukanganisa mafambisirwo enyaya mumatare.
Kanzuru yeguta reBulawayo ichakwidza mitero nezvikamu zvinodarika mazana matatu nemakumi manomwe kubva muzana izvo zvisiri kutambirwa nemufaro nevagari vakawanda.
Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvinogara munharaunda yeWashington D.C. zvakabatana zvakaumba sangano idzva rinonzi Coalition For Zimbabweans in The D.C. Area, kana kuti COZDA, iro richange richibatsira kubatanidza zvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica nekune dzimwe nyika.
Imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, Doctor Moses Rumano, vanoti vari kufara zvikuru nemakurokota adomwa naVa Joe Biden kuti vange vachishanda navo gore rino uya.
Kukandirana makobvu nematete kuri kuenderera mberi pakati pehurumende nebato guru rinopikisa reMDC Alliance nezvekupwanywa kwedzimba dzinonzi dzakavakwa zvisiri pamutemo kuBudiriro, Zimre Park nedzimwe nzvimbo kunyangwe mvura iri kunaya.
NeChitatu, mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakaita mabiko emanheru ekuparura zviri pamutemo bhuku rakanyorwa neumwe wevatevedzeri vavo, VaConstantino Chiwenga, avo vachangodzoka kubva kuChina kwavakange vaenda kunorapiwa.
Sangano reWomen’s Academy For Leadership And Political Excellence (WALPE) rinoti harisi kutambira zvakataurwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangwagwa, maererano nevamiriri vechidzimayi muparamende nemumakanzuru.
Vagari vakawanda kwaMpandawana kwaGutu vanoti vari kutyira kubatwa nezvirwere zvakaita seCholera sezvo vave nemasvondo anodarika matatu vasina mvura mudzimba dzavo zvichinzi mushina unopomba mvura wakafa
Mutongi wedare reHigh Court muBulawayo, Justice Christopher Dube-Banda, vati chikumbiro chevaive murongi wemabasa muMDC T, VaAbednico Bhebhe, chichazonzwikwa pazuva ravasina kutara,
Vanhu Vakawanda vanoti gore rino hapana zvakawanda zvichaita kuti vapembere sezvo vanhu vakawanda vakarasikirwa nemabasa nepamusana pedambudziko rechirwere cheCovid-19.
COVID-19 vaccinations began Tuesday in Arizona, California and Illinois
Rodhai zvimwe