Accessibility links

Breaking News

Bulawayo Inokwidza Mitero Zvakanyanyisa Mubhajeti ra2021


Bulawayo residents

Kanzuru yeguta reBulawayo ichakwidza mitero nezvikamu zvinodarika mazana matatu nemakumi manomwe kubva muzana izvo zvisiri kutambirwa nemufaro nevagari vakawanda.

Kanzuru yeguta reBulawayo yazivisa kuti ichakwidza mitero yayo nezvikamu zvinopfuura mazana matatu nemakumi manomwe nezviviri kuna kumaza,kana kuti 372 per cent kubva muna Ndira gore rinouya.

Mutauriri wekanzuru, Amai Nesisa Mpofu, vabvuma izvi kuStudio 7 vachiti izvi zvinotevera kutambirwa nehurumende kwesupplementary budget yegore rino yakaitwa nekanzuru muna Gunyana.

Kanzuru yakaita bhajeti remadhora 2.7 billion mugore rino ra2020 uye yakaita bhajeti remadhora 17, 1 billion yegore rinouya asi bhajeti iyi haisati yapasiswa nebazi rezvekutongwa kwematunhu.

Mukuru wesangano reBulawayo United Residents Association, VaRodrick Fayayo, vaudza Studio 7 parunhare kuti sangano ravo richaita musangano wechimbi-chimbi nenhengo dzaro kuti vaone kuti votora danho ripi, vachiti kukwidzwa kwemitero uku kuchawomesera veruzhinji.

Mumwe mugari, VaBrian Maphosa, vati vagari vakawanda vagara vakatoomerwa nehupenyu zvekuti kukwidzwa kwemitero uku kuchaita kuti vakawanda vatadze kubhadhara mitero yavo.

Mumwe mudzidzisi wezvidzidzo zvebudiriro, VaFelix Chari, vati kutambirwa kwesupplementary bhajeti yekanzuru nehurumende kunoratidza pachena kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyaya dzezvehupfumi.

Vati makanzuru ari parumananzombe nekuti anofanirwa kuwana mari yekuita mabasa aanotarisirwa kuita nemazvo asi nekune rimwe divi anofanirwa kubhadharisa mitero inokwanisa kubhadharwa neveruzhinji.

Makanzuru emaguta nemadhorobha akawanda munyika anogara achichemachema nerekuti haawane mari yakakwana yekuita mabasa aanotarisirwa kuita nevagari.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG