Accessibility links

Breaking News

Vanhukadzi Vanoda Kuti Zvigaro Mumakanzuru neMuparande Zvigovanwe Zvakaenzana neVanhurume


WALPE
WALPE

Sangano reWomen’s Academy For Leadership And Political Excellence (WALPE) rinoti harisi kutambira zvakataurwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangwagwa, maererano nevamiriri vechidzimayi muparamende nemumakanzuru.

Vachitaura mumusangano webato ravo reZanu-PF, we Politburo, VaMnangagwa vakati vanofara kuti dare remakurukota avo rakabvuma zvinangwa zvekupindudza bumbiro remutemo maererano nevamiriri mumakanzuru kuti zvigaro makumi matatu kubva muzana (30%) zvichengeterwe vanhukadzi.

Asi sangano rinomirira nekutsigira vechidzimai vanoda kuita zvematongerwo enyika nekutungamira, reWomen’s Academy For Leadership And Political Excellence, rinoti apa hapana nyaya zvachose sezvo zvataurwa naVaMnangagwa zviri kure nezvinodikanwa nemadzimai muZimbabwe.

Mukuru we WALPE, Muzvare Sithabile Dewa, vaudza Studio7 kuti izvi hazvisi kutambirwa nemadzimai emapato ezvematongerwo enyika ose, vachiti vanhukadzi vanoda kuti zvigaro izvi zvigovanwe zvakaenzaniswa pakati nepakati, kana kuti 50/50.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG