Accessibility links

Breaking News

Zvimwe Zvizvarwa zveZimbabwe Zviri muAmerica Zvoumba Sangano reCOZDA


Coalition For Zimbabweans in The D.C. Area (COZDA)

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvinogara munharaunda yeWashington D.C., zvakaumba sangano idzva rinonzi Coalition For Zimbabweans in The D.C. Area, kana kuti COZDA, iro richange richibatsira mukubatanidza zvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica nekune dzimwe nyika.

Sachigaro vebhodhi reCOZDA, VaJona Masiya, vanoti chinangwa chikuru chekuumba kwavakaita sangano iri ndechekuunza pamwe vana veZimbabwe muzvirongwa zvakanangana nebudiriro pamwe nekubatsira vanotambura kumusha.

VaMasiya vanoti zvizvarwa zviri mumatunhu anoti Maryland, Washington D.C., Virginia neWest Virginia muno muAmerica zvakaona zvakakosha zvikuru kuti paumbwe hwaro hunobatanidza vana veZimbabwe vagara vaine chido chekubatsira vanotambura vari kumusha nemuno, pamwe nekusimudzira nharaunda dzavanobva.

Vanoti kunyange hazvo vana veZimbabwe vakawanda vari kunze kwenyika vagara vachibatsira vari kumusha nenzira dzakasiyanasiyana, vakaona zvakakosha kuti vanhu vaise musoro pamwechete vachipana mazano munyaya dzebudiriro.

Vanotiwo munhu wese anokodzera kuve nhengo yeCOZDA, uye hapana mari dzinobhadharwa kusangano iri.

Sangano iri richange richibatsirawo kutsvagira vana vanotambura rubatsiro kuti vakwanise kuenda kuchikoro pamwe nekurapwa, uyewo kubatsira munguva ino yeCovid-19.

VaMasiya vanoti vari kuparura zviri pamutemo sangano ravo musi wa19 Zvita, unove Mugovera unouya, zvichiitwa vachishandisa dandemutande reZoom, uye vachange vachitandadzwa nemuimbi wechidiki, Julien King, ari mudunhu reTexas.

Hurukuro naVaJona Masiya
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG