Accessibility links

Breaking News

VaBhebhe Vanotadza Kumisa Kongiresi yeMDC-T


UMnu Abednico Bhebhe

Mutongi wedare reHigh Court muBulawayo, Justice Christopher Dube-Banda, vati chikumbiro chevaive murongi wemabasa muMDC T, VaAbednico Bhebhe, chichazonzwikwa pazuva ravasina kutara mushure mekunge magweta ari kumirira Muzvare Thokozani Khupe nevamwe vatungamiri vebato reMDC T ati aive anonoka kuwana magwaro akasvitswa kudare naVaBhebhe.

VaBhebhe vakadzingwa mubato reMDC T mwedzi wapera vakabva vakwira kudare reHigh Court nechikumbiro chekupikisa kudzingwa uku.

VaBhebhe vakaisawo chikumbiro chekuti kongiresi yeMDC T yekusarudza
achatora chigaro chakasiyiwa namushakabvu Morgan Tsvangirai, iyo iri
kuitwa nemusi weMugovera, imbosendekwa parutivi kusvika nyaya
yekudzingwa kwavo yagadziriswa.

Gweta raVaBhebhe, VaNqobani Sithole, vabvuma kuStudio 7 kuti Justice
Dube Banda vaendesa kunzwikwa kwechikumbiro chaVaBhebhe mberi mushure mekunge ivo vabvumirana nemagweta aMuzvare Khupe.

Pamubvunzo wekuti chii chichaitika sezvo VaBhebhe vange vachida kuti
kongiresi yeMDC T imbomiswa, VaSithole varamba kutaura.

VaBhebhe pachavo vaudza Studio 7 kuti pane matanho avari kutora asi
havanawo kuda kubuda pachena.

Asi rimwe remagweta akamirira Muzvare Khupe nevamwe vavo, VaTawanda Tavengwa, vaudza Studio 7 kuti kongiresi yeMDC T iri kuenderera mberi nemusi weMugovera sezvakagara zvarongwa.

Mune imwewo nyaya, vakadzingwa pachinzvimbo chekuve munyori wekanzuru yeguta reGweru, Amai Elizabeth Gwatipedza, vakwira kudare reHigh Court nechikumbiro chekuti kanzuru inofanirwa kuramba ichivapa mugove wavo wakafanira kusvika nyaya yekudzingwa kwavo yanzwikwa neLocal Government Board.

Rimwe remagweta aAmai Gwatipedza, Advocate Lucas Nkomo, vaudza Studio 7 kuti kumiswa kwemugove wavo nekanzuru hakuzi pamutemo sezvo kanzuru isina mvumo yekuita izvi nekuti nyaya yekudzingwa kwavo haisati yasvitswa neLocal Government Board.

Asi gweta rekanzuru yeguta reGweru, VaCharles Kwaramba, vaudza Studio 7 kuti Amai Gwatipedza havana kudzero yekuramba vachiwana mari inobva kuvagari sezvo vakatodzingwa basa.

Amai Gwatipedza vakamiswa basa gore rapera vakazodzingwa pakutanga
kwemwedzi uno vachinzi vaive vatadza kuita basa ravo nemazvo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG