Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Vanoti Vakaomerwa Rwendo Rwuno


Some of the goods found at Tisu Zim Goodies Grocery Store
Some of the goods found at Tisu Zim Goodies Grocery Store

Vanhu Vakawanda vanoti gore rino hapana zvakawanda zvichaita kuti vapembere sezvo vanhu vakawanda vakarasikirwa nemabasa nepamusana pedambudziko rechirwere cheCovid-19.

Nekuda kwechirwere cheCovid-19 chapararira pasi rose nekuuraya vanhu vakawanda, hurumende yakatara muna Kurume kuti vanhu vagare kudzimba kunze kwevaya vane mabasa akakosha chete vachibvumirwa kuenda kunoshanda.

Vemabasa akaita sevekubazi rezvehutano kunyanya ndivo vaienda kubasa nevamwe vemapazi ainzi akakosha, semapurisa, masoja, vemumahofisi ehurumende nevamwewo asi veruzhinji vachigara kudzimba serimwe rematanho ekudzivirira kupararira kwechirwere ichi muvanhu.

Vanozviitira mabasa avo emaoko vakakanganisikawo zvakare sezvo vange vasiri kushanda.

Nekuoma kwakaita mamiririro enyaya dzezvehuppfumi munyika, vazhinji havana mari yekuita mhemberero uye mafaro pazororo rekirisimari uye kutanga kwegore.

VaTabani Mupikata mugare wemaMutare uye mumwe wevamwe vari kuti gore rino vanenge vakangoti kwindi vasina kwekuenda kana kufara nevamwe sezvavaisiita panguva ino nekuda kwekushaya mari yakaringana yekuita izvi.

'ZveKirisimasi aaah hakuna zvegore rino, hatisi kutoziva kuti kuneKirisimasi nekuti tange tiri muCovid, saka hapana mare yekuti timbojamba, atitorina kana nechiro, saka kirisimasi yegore rino totombosiyana nayo ya2020 totomirira yegore rinouya pamwe zvinenge zvave nane. Saka isusu taitokurudzira kuti hurumende yatoti zvikoro zvambovharwa zvatozotangiswa patsva kana kuti vana vodzidza mahara nekuti vanhu vazhinji vange vakagara kumba," Vadaro VaMupikata.

Mumwe mugare wemaMutare, Muzvare Patience Ndoro, vanoti pazororo regore rino reKisimusi havaoni pachifarwa sezvavajaira kuita makore ose.

Mumwe mugari wekuNyanga, VaJethro Songeya, vanoti hapana chiri kuzobuda kwavari nemhuri yavo sezvo vachange vachiramba vachishandira mhuri yavo pabasa ravanoita rekuuchika miti vachitengesa sezvo vakaomerwa.

VaFelix Matasva mugari wekwaMunyarari kumadokero kweguta reMutare, kuMutare West avo vanobvumirana naVaSongeya pakuoma kwakaita hupenyu.

"I think Kirisimasi yegore rinoiri inenge yakati dererei you know nenyaya yeCovid madhiri ange asiri kunyatsobudawo saka tichangoitambawo zvekungotiwo tiri paKirisimasi hatingazotadziwo kufara nemhuri nehama neshamwari, but it’s not something big nekuti hakuna zvikuru zvatinge tichiita nekuti mari dzacho hadzisi kubatana sezvo muna January tenge takutotarisana nemamwe mademands akatiwandeyi anenge achida kuti mari dzishande tichangofawo zvimwe zviya takateya homwe kuti tisazotarisana neJanuary disease pamberi apo" vadaro VaMatasva

VaDavid Panganayi vanoti hapana kwavari kuzoenda nemhuri yavo panguva yezororo rino nekuda kwehomwe dzakabowoka.

Asi mumwe mugari wemaMutare, VaIsaiah Jongwe, vanoti zvinhu zvavo zvakarongeka uye vatotanga kuita zvemafaro panguva yezororo yekupera kwegore.

Zvichakadaro kukwira kuri kugara kuchiita mitengo yezvinhu muzvitoro kunyanya zvokudya kuri kupa kuti vazhinji vasiye tsika yekare yekudya nekunwa vachipfachura panguva dzakaita sepazororo reKisimusi, goredzva nemamawewo mazororo emunyika.

Panguva yemazororo yaive tsika yevakawanda yekushanyira hama neshamwari kumativi mana enyika asi izvi zvakaderedzwa gore rino nekuda kwedenda reCovid 19.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG