Accessibility links

Breaking News

Mvura Yonetsa Vagari vekwaGutu kuMasvingo


Masvingo Water
Masvingo Water

Vagari vakawanda kwaMpandawana kwaGutu vanoti vari kutyira kubatwa nezvirwere zvakaita seCholera sezvo vave nemasvondo anodarika matatu vasina mvura mudzimba dzavo zvichinzi mushina unopomba mvura wakafa.

Vagari vanoti vakaudzwa nebazi reZinwa rinovapa mvura kuti kune mishina yakafa kudhamu rinopombwa mvura asi havafari nenguva yareba yatorwa dambudziko iri risina kugadziriswa.

Vagari vemumisha yeve ruzhinji yakaita seku Hwiru nekuGona vanoti nekushomeka kwemvura vave kushandisa mvura yemumatsime asina kuvharwa pamwe nezvikova iyo iri kukanganisa hutano hwavo.

Sachigaro wesangano rinomiririra vagari reGutu United Residents and Rate Payers Alliance, VaLloyd Mufudze, vanoti vagari vazhinji vave kugara vachinzwa midumbu nekushandisa mvura yakasviba yemumatsime.

Mumwe mugari wemumusha weGona, VaTafunga Mamombe, vanoti kushaikwa kwemvura kwenguva refu kwave kutyorwa kodzero dzavo.

VaMamombe vati vakaudzwa kuti mushina uchagadziriswa nekukurumidza asi nanhasi chabuda hapana.

Vamwe vagari vari kupomera kanzuru yeGutu, mhosva yekusaita hany’a nedambudziko ravo nekusunda bazi reZinwa kuti rigadzirise dambudziko iri.


Asi mukuru webasa mukanzuru yekwaGutu, VaAlexender Mutembwa, vaudza Stduio 7 parunhare kuti dambudziko iri riri kuZinwa, ivo havana simba rekuvamhanyisa kuti vagadzirise.

Kanzura veward 34 maMupandawana, VaBernard Chimwango, vanoti vakambozama kutaura ne Zinwa kuti igadzirise zviri kunetsa, asi bazi iri riri kuisa zvitanda munzeve.

Asi mutaururi weZinwa, VaTsungirai Shoriwa, vati vane hurombo nekutadza kugadzirisa dambudziko iri, asi vati riri kugadziriswa nechimbi chimbi.

Vagari vanoti dambudziko remvura rinotyirwa kuti ringango wedzera kupararira kweChirwere cheCovid-19 icho chinokurudzirwa kushandiswa kwemvura yakakwanda uye yakachena.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG