Chipatara cheParirenyatwa chinoti chava kubvumidza munhu mumwe chete kushanyira murwere ari muchipatara ichi senzira yokudzivirira kutapuriranwa kwechirwere cheCovid 19.
VaDouglas Mwonzora vanoti vakasarudzwa zviri pachena kutsiva mushakabva Morgan Tsvangirai semutungamiri webato reMDCT pakongiresi yechimbichimbi yakaitwa nemusi weSvondo.
Mumwe mutongi wedare remajisitiriti, VaMorgan Nemadire, vakamiswa pamberi pedare neMuvhuro vachipomerwa mhosva yekuita zvehuwori vari pabasa vakapihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso.
Kunyange hazvo VaTrump vakasaina bhiri iri, vari kugunun’una zvikuru vachiti mari iri kupiwa vanhu kuti vabatsirikane munguva ino ye coronavirus ishoma zvikuru mushure mekunge matare eparamende nekongiresi apasisa bhiri iri svondo rapera.
Vanoti dutumupengo iri rinogona kusvika muMozambique svondo rino uye rinogona kupinda muZimbabwe mazuva mashoma rabva mukupinda muMozambique.
Mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump avo vambenge vachitsika madziro vachiramba kusaina mabhiri anoti rekubatsira vanhu munguva yeCovid nekuti hurumende irambe ichishanda vazoita izvi vari kuFlorida uko vari pazororo.
Kongiresi yechimbichimbi yeMDCT iri kufanotungamirwa naMuzvare Thokozani Khupe yekutsvaga anotsiva mushakabvu VaMorgan Tsvangirai yatanga muHarare nhasi zvinhu zvsingafambe zvakanaka panyaya dzekuvhota.
Mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump vari kutsika madziro pakuisaruoko rwavo pachibvumirano chakaitwa nematare eCongress neSenate kubatsira vanhu vemunyika yavo vawirwa nedambudziko rechirwere cheCovid-19.
Vanhu vekuManicaland zvikuru munzvimbo dzakaita seChimanimani neChipinge vari kugara vakabatira hana mumaoko sezvo vanoona nezvemamiriro ekunze vari kuyambira kuti vatarisana zvekare nerimwe dzmbudziko remafashamu emvura uye dutumupengo remhepo kana kuti Tropical Cyclone Chalane.
Vanhu makumi mana nevaviri kana kuti 42 vakafa nechirwere cheCovid-19 munyika, vamwe churu nemazana masere nemakumi mashanu nevasere kana kuti 1, 858 vachibatwa nechirwere ichi mukati memavhiki maviri adarika.
Mutori wenhau ange ane mukurumbira, Foster Dongozi, aradzikwa neMugovera masikati kumusha kwake ku Sanyati, zvichitevera kushaya kwaakaita nemusi we Chitatu.
Mutori wenhau, Foster Dongozi, uyo akashaya nemusi weChitatu achingosvika pachipatara cheParirenyatwa, havachakwanisi kuvigwa nevamwe vake vatori venhau sezvo Dongozi achinzi akafa nechirwere cheCovid-19.
Rodhai zvimwe