Accessibility links

Breaking News

MDC-T Yoita Kongiresi paChikandiranwa Makobvu neMatete


Muzvare Thokozani Khupe naVaDouglas Mwonzora
Muzvare Thokozani Khupe naVaDouglas Mwonzora

Kongiresi yechimbichimbi yeMDCT iri kufanotungamirwa naMuzvare Thokozani Khupe yekutsvaga anotsiva mushakabvu VaMorgan Tsvangirai yatanga muHarare nhasi zvinhu zvsingafambe zvakanaka panyaya dzekuvhota.

Kongiresi yeMDCT yekutsvaga achatora chigaro chakasiyiwa naVaTsvangirai avo vakashaya muna Kukadzi 2018 yatanga mangwanani dzimwe nhengo dzebato iri dzinobva mudunhu reBulawayo dzichidya magaka neminzwa yavo dzichiti dzanga dzichirambidzwa kuvhota zvaita kuti dzitange kuimba.

Mumwe wevanhu vanhu ava, VaAnyway Mlotswa, vanoti vanga vachinzi mazita avo haamo mugwaro revavhoti kunyange hazvo vachiti vave nenguva yakareba vari mubato iri.

Mushure mechinguvana pachinetsanwa nevanga vachitungamira kuvhotesa, vanhu ava vazobvumidzwa kuti vavhote zvazoita kuti pave nerunyararo.

Mumwe wevauya kuzovhota achibva mudunhu reMasvingo, VaPeter Chigaba, vati kongiresi iyi iri kuvapa mukana wekusarudza mutungamiri wavo achatora matomhu aVaTsvangirai oenderera mberi nekurwira hutongo hwejekere.

Munyori mubato iri, VaDouglas Mwonzora avo vari kukwikwidzawo vati chavanoda ndechekuti vapedzise rwendo rwakatangwa naVaTsvangirai.

Muzvare Thokozani Khupe, avo vakafanobata chigaro chemutungamiri webato iri uye zvakare vari mumwe wevari kudawo kutsiva VaTsvangirai pakongiresi iyi, vati mushure mekongiresi iyi vari kutarisira kuti vashande zvakasimba kubatanidza vanhu mubato ravo..

Kunze kwaMuzvare Khupe naVaMwonzora, vamwe vari kukwikwidza pakongiresi yechimbichimbi iyi kuti vatsive VaTsvangirai ndiVaElias Mudzuri avo vakambodomwa naVaTsvangirai kuve mutevedzeri wavo pamwe nevaive mutevedzeri wasachigaro weMDC munguva yaVaTsvangirai, VaMorgen Komichi.

VaMudzuri vaudza vatori venhau kuti vari kutarisira kuti vachakunda asi vachiti vange vachitarisira kuti vakuru vebato dai vagadzirisa nyaya yemari dzebato dziri kunzi nevakafanobata chigaro chemubati wehomwe VaChief Ndlovu hadzina kufambiswa zvakanaka naVaMwonzora.

Mari iyi yakabva kuhomwe yehurumende inopihwa bato rinenge rawana mavhoti akati wandei. VaMwonzora vari kuraba kuti vakaba mari vachiti vavari kukwikwidzana navo vari kuda kuvasungisa kuti vasavhoterwe. Bato iri rinonzi rasara risina kana mari yekushandisa paKongiresi iyi zvapa kuti rikwerete mabhazi eZUPCO rozobhadhara Kongiresi yapera.

Zvichabuda pasarudzo dziri kuitwa idzi zvakatarisirwa kuziviswa husiku hwanhasi pachapedza kuverengwa kwemavhoti. Kongiresi iyi yaitwa zvichitevera mutongo wedare repamusoro-soro reSupreme Court uyo wakati mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa havana kusarudzwa zviri pamutemo kuti vatungamirire bato reMDCT.

Asi VaChamisa vakati sebato vakatoita kongiresi yavo kuGweru gore rapera saka nokudaro havana chekuita nezviri kuitwa naMuzvare Khupe nevamwe vavo. Mibvunzo yatatumira mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatshwayo, yanga isati yapindurwa pataenda pamhepo.

Zvichakadaro, sachigaro wesangano reZimbabwe Diaspora Forum muSouth Africa, VaSox Chikowero, avo vakashanda zvikuru naVaTsvangirai muMDC, vasungwa pakongiresi yeMDCT iyi vakaendeswa kukamba yeHarare Central.

Kunyange hazvo mutauriri wemapurisa VaPaul Nyathi vati vanga vasati vave neruzivo nezvenyaya iyi, vamwe vari kuziva zviri kuitika muchipurisa vati VaChikowero vasungwa nenyaya ine chekuita nekupfurwa kwakaitwa nhengo yebato reZanu PF kuMbare muna 2007.

Pataenda pamhepo, tanga tisati taziva kuti VaChikowero, avo vanga vave nemakore akawanda vasati vadzoka munyika vari muhupoteri vanga vasati vapomerwa mhosva zviri pamutemo.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG