Accessibility links

Breaking News

Vanhu Makumi Mana neVaviri (42) Vofa muMavhiki Maviri muZimbabwe neCovid-19


Vamwe vakashaya nechirwere ichi gore rino igurukota rezvekurima VaPerence Shiri avo vakavigwa kuHeroes Acre.
Vamwe vakashaya nechirwere ichi gore rino igurukota rezvekurima VaPerence Shiri avo vakavigwa kuHeroes Acre.

Vanhu makumi mana nevaviri kana kuti 42 vakafa nechirwere cheCovid-19 munyika, vamwe churu nemazana masere nemakumi mashanu nevasere kana kuti 1, 858 vachibatwa nechirwere ichi mukati memavhiki maviri adarika.

Pamavhiki amaviri aya pane vanhu gumi nevanomwe vakabva kuSouth Africa vakabatwa nechirwere ichi.

Izvi zviri kutemesa nyanzvi munyaya dzezvehutano musoro nekuti chirwere cheCovid-19 kuSouth Africa, Britain, France, Japan, Nigeria, Denmark, Canada, Italy, Lebanon, Netherlands, Singapore, Sweden ne Spain chatanga kuzvivanddza kana kuti mutate. Mhando yeCovid-19 itsva iyi inopararira zvakanyanya ichifungidzirwa kuti inobatawo zvakanyanya vana vadiki.

Kamhando katsva aka kakatanga kutaurwa nezvako kuBritain musi wa 14 Zvita.

Bazi rezvehutano rakazivisa nemusi weSvondo kuti vanhu vasere vakafa nechirwere cheCovid-19 munyika muvhiki rapera zvasiya vafa kubva zvakatanga chirwere ichi kupararira munyika vave mazana matatu nemakumi mana nevapfumbamwe kana kuti 349.

Vanhu vakabatwa nechirwere ichi neSvondo izana negumi nevana kana kuti 114. Izvi zvinoreva kuti vanhu vabatwa nechirwere ichi kusvika parizvino vave zvuru gumi nezvitatu zvine manomwe nevanomwe kana kuti 13, 077.

Vanhu vapora kubva kuchirwere ichi zvuru gumi nemazana mashanu ane makumi mapfumbamwe nematatu kana kuti 10, 593 zvichitevera kupora kwevamwe vanhu makumi manomwe nevana neSvondo. Vanhu vachiri kurwara vanosvika zvuru zviviri nezana nemakumi matatu nevashanu kana kuti 2,135. Vakawanda vari kurwara vari muHarare neBulawayo.

Africa Covid-19

Zvichakadaro, mashoko atumirwa Studio 7 neAfrican Union achibva kuAfrica Centers for Disease Control and Prevention anoratidza kuti vanhu vanodarika mamiriyoni maviri nezvuru mazana matanhatu kana kuti 2,6 million vabatwa nechirwere checovid-19 muAfrica.

Vanhu vafa vasvika zvuru makumi matanhatu nemaviri ane mazana matatu nemakumi matanhatu nematanhatu kana kuti 62, 366. Vapora vadarika mamiriyoni maviri nezvuru mazatuna maviri kana kuti 2,2 million.

South Africa ndiyo ine vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere ichi muAfrica. Dunhu reSADC ndirozve rine vanhu vakawandisa vabatwa nechirwere ichi vadarika miriyoni imwe chete.

Pasi Rose

Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere checoronavirus pasi rose hwadarika mamiriyoni makumi masere nezvuru mazana manomwe kana kuti 80, 7 million. Johns Hopkins University yemuAmerica iyo iri kuongorora kupararira kwechirwere ichi pasi rose inoti muAmerica ndimo mune vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere ichi.

Vafa muAmerica vanodarika zvuru mazana matatu zvine makumi matatu nematatu kana kuti 333, 000, vabatwa nechirwere ichi vachidarika mamiriyoni gumi nemapfumbamwe kana kuti 19 miillion.

Pasi rose, vanhu vafa nechirwere ichi vanodarika miriyoni imwe chete nezviuru mazana manomwe kana kuti 1,7 million. Asi vapora pasi rose vachidarika mamiriyoni makumi mana nemashanu ane zvuru mazana matanhatu kana kuti 45, 6 million.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG